Accessibility links

Breaking News

Dzimwe Nhengo dzeParamende Dzoti Hadzidi Sarudzo Gore Rinouya


Nyaya yekuti munyika muitwe sarudzo gore rinouya iri kukonzera kusagadzikana mukati mematare eparamende neseneti, umo nhengo dzematare aya dzinonzi hadzisi kuwirirana nepfungwa iyi.

Dzimwe nhengo dzeparamende dziri kuti kana munyika muchiitwa sarudzo, ngadzive dzemutungamiri wenyika chete, sezvo dziri idzo dzakaita mutauro muna 2008.

Muna Gumiguru, komiti inoona nezvekugara kwakanaka kwenhengo dzeparamende yakaudza gurukota rezvemari, VaTendai Biti, kuti kana hurumende ikadimura nguva inofanirwa kugarwa nenhengo dzeparamende, inofanirwa kuvabhadhara mari yemakore maviri.

Nhengo idzi dziri kutiwo dzinoda kuti mari dzemihoro dzikwidzwe kusvika pazviuru zvitatu zvemadhora pamwedzi. Vamiririri ava vari kudawo kuti mari dzekusimudzira matunhu avanomirira, dzikwirewo kuenda pa$200 000.00 pagore.

Sangano revashandi reZCTU riri kutsigirawo pfungwa yekuti munyika mungoitwa sarudzo dzemutungamiri wenyika chete.

Asi vamwe vanoongorora zvematongerwo enyika vanoti zviri kuchemerwa nenhengo dzeparamende idzi kutemera nyora padombo, sezvo mashoko esarudzo aya ari kubva kune mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe, avo vasina chavanoteerera.

Mukokeri wenhengo dzeparamende dzeMDC-T, VaInnocent Gonese, vanoti nhengo dzebato ravo dzinongomirira kunzwa kubva kubato radzo padanho rekutora panyaya iyi.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika, uye vari mudzidzisi paUniversity of Zimbabwe, Professor John Makumbe, vanotiwo sarudzo idzi hadzifanirwi kupatsanurwa, sezvo idzo nhengo dzeparamende idzi dziri idzo dzakatambira mutemo uripo wakabatanidza sarudzo idzi.

XS
SM
MD
LG