Accessibility links

Breaking News

Mutyakureva Oitwa Mutevedzeri weMurairidzi weDynamos


Dynamos FC
Dynamos FC
Dynamos yagadza Philemon Mutyakureva semutevedzeri wemurairidzi wechikwata ichi, Callisto Pasuwa.

Kugadzwa kwaMutyakureva kunotevera kusiya basa kwakaita vaimbove mutevedzeri wemurairidzi wechikwata ichi, Tonderai ,mwedzi wapera Nyamavhuvhu.

Sachigaro weDynamos, Va Kenny Mubaiwa, vanoti Mutyakureva ange achishanda nevatambi vechikwata chavo vechidiki uye akasarudzwa naPasuwa semhunhu waanoda kushanda naye mushure mekuona mashandiro aakange achiita nevechidiki.

VaMubaiwa vanoti vari kutarisira kuti mutambo wavo ne Caps United neSvondo uchafamba zvakanaka sezvo Mutyakureva naPasuwa vachaisa misoro yavo pamwe chete.

Dynamos ndiyo iri pamusoro pemakwikwi eCastle Lager Premier Soccer,

Va Mubaiwa vanoti shuwiro yavo ndeyekuti vatambe zvine mutsindo ne Svondo kuitira kuti varambe vari panzvimbo iyi.

VaMubaiwa vanoti vatsigiri ve Dynamos vanofanirwa kuenda kunotsigira chikwata chavo sezvo vari kutarisira kutamba zvine hunyanzvi hwepamusoro neSvondo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG