WASHINGTON —
Chikwata che Dynamos chinoti chiri kumira nemutambi wacho, Devon Chafa, uyo ari kunzi akabatwa nemhosva yekushandisa zvinodhaka muropa rake nesangano reFIFA iro rinoita zvirongwa zvekuwongorora ropa revatambi nguva nenguva.
Sachigaro vechikwata cheDynamos, VaKenny Mubaiwa ,vanoti vanovimba kuti Chafa achawanikwa asina mhosva sezvo ari mutambi akazvibata.
Pamusoro pekutambira Dynamos, Chafa anotambirawo chikwata chenyika chemaWarriors.
Sangano reZIFA rinonzi rakanyorera Chafa tsamba kuti ape humbowo hwekuti seyi akawanikwa aine mishonga isangatenderwi muropa rake.
Chafa anonzi ari kushanda nachiremba we ZIFA kuti vaone mishonga yaange achitora mukurapa kukuvara kwaakange akaita kusina chekuita nenyaya iyi.