Accessibility links

Breaking News

Dynamos Yotatsurana neHighlanders neMusi weSvondo


Dynamos vs Highalnders
Dynamos vs Highalnders

Mutambo mukuru wanga wakamirirwa weBattle for Zimbabwe pakati peDynamos neHighlanders waveko nemusi Svondo.

Hurongwa hwemitambo hwaburitswa nevePremier Soccer League huri kutaura kuti mutambo uyu, uyo wakamiswa kaviri wavepo pasina kushandurwa zvekare.

Mutambo uyu waifanira kuve wakatambwa musi wa 29 Chikunguru ukamiswa nenya yesarudzo munyika, ndokumiswa zvekare zvichitevera mhirizhonga yakaitika sarudzo yapera.

Pari zvino, zvikwata zvine mukurumbira izvi zviri kutatarika zvekuti Highlanders yave pachinhanho chechitanhatu mushure mekurohwa neNgezi Platinum Stars 2-1.

Mumwe mutsigiri wenhabvu VaOliver Makombe vanoti mukombe watoenda kuMhondoro kana ku Zvishavane.

Kunyange hazvo Dynamos yakakunda Bulawayo City 2-1 pairi ikozvino hazvienderena nemukurumbita wayo.

Asi vanotevera Dembare saVaSamson Makesa vanoti pamberi nema Glamour Boys.

FC Platinum yaramba iri pamusoro petafura mushure mekukanga Mutare City Rovers 6-0.

Kukunda uku kwasiya FC Platinum "Kugona Kunenge Kudada" yave nemapoinzi makumi mashanu nemapfumbamwe zvichiteverawo kukunda kwakaitawo Ngezi Platinum "Madamburo" Stars 2-1 apo yakashanya kuBulawayo kunotamba neHighlanders.

Mimwe mitambo yakapera seizvi……

Caps United 2 Nichrut` 1

Highlanders 1 Ngezi 2

Yadah 1 Chicken Inn 1

ZPC Kariba 0 Shabanie 0

Harare City 0 Herentals 0

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG