Accessibility links

Breaking News

Dynamos Yotatarika Mumakwikwi eChibuku Super Cup


Chikwata cheDynamos nemusi weSvondo chakatatarika ndikuita mangange 0 kwa 0 nechikwata cheHerantals mumakwikwi emukombe weChibuku Super Cup.

Kutatarika kweDembare uku kuri kuuya apo vakuru vechikwata vange vavimbisa vatsigiri vavo mikombe yakawanda sezvo vachiti vaunganidza chikwata chakasimba.

Kunyangwe hazvo Dynamos isina kutamba zvakagutsa vatsigiri vayo, Highlanders yakarova Bulawayo Chief 1-0 nechibodzwa chakanwiswa naWashington Navaya muchikamu chekutanga.

Highlanders ndiyo yakapedzisira kusimudza mukombe uyu muna 2019 apo yakarova Ngezi Platinum 1-0.

Makwikwi aya haana kuitwa gore rapera nekuda kwechirwere cheCovid-19. Vanokunda mumakwikwi aya vanopihwa mari inosvika zviuru makumi manomwe nemashanu zvekuAmerica kana kuti US$75 000

Mune mimwe mitambo neSvondo.

Ngezi Platinum 3 Triangle 1.

NeMugovera

FC Platinum 6, Whawha FC 0

Black Rhinos 4, Tenax 1

Caps United 2 Yadah 2

Chicken Inn 2, Bulawayo City 0

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG