Murairidzi wechikwata cheDynamos VaElvis Chiweshe vanoti kunyangwe hazvo pane vamwe vatambi vechikwata ichi vari kubva vachienda kunezvimwe zvikwata mwaka mutsva wenhabvu usati wasvika, izvi hazvisi kuzotadzisa chikwata chavo kuti chisimbaradzwe apo chichamirira nyika mumakwikwi eConfederation Of African Football (CAF) Champions League.
VaChiweshe vanoti chikwata chavo chiri mushishi kutenga vamwe vatambi vekutsiva vatambi vatatu vanoti Ephraim Mazarura, Carrington Gomba, maMutshumaili Moyo, avo vari kuenda kumafuro manyoro.