Chikwata chinoteverwa nechaunga cheDynamos chadongorera panhongonya yeCastle Lager Premier Soccer League.
Dynamos yasiiwa nemapoinzi matatu chete nechikwata chiri kutungamira makundano eCastle Lager Premier Soccer League cheChicken Inn zvekuti vatsigiri vechikwata ichi vari kuona mutambo wavo neYadah muRufaro Stadium neSvondo seuyo uchavaendesa pamusoro pegungano reCastle Premier Soccer League.
Parizvino, Dynamos ine mapoinzi makumi mana nemaviri, asi yakanwisa zvibodzwa zvakawanda kudarika Chicken Inn ne Ngezi Platinum Stars zvekuti kurova kwavo Yadah kukasangana nekudamburwa kwemaGame Corks neHwange pamwe chete nekurohwa kweNgezi Platinum kana kuti Madamburo neHighlanders kunosiya Dembare yave pamusoro soro.
MaDembare ari kubhebha moto mushure mekurakasha How Mine 6-0 nezuro zvekuti vatsigiri vechikwata ichi vari kutarisira zvimwe chetezvo neYadah munzira yavo yekutora mukombe weligi pamwechete nekudzokera munhabvu yemuAfrica gore rinouya.
Mumwe wevatsigiri wechikwata ichi, Muzvare Susan Mwayera, vanoti chitima cheDembare chasimuka vachiti ivo hachisi kumira paYadah asi kuti chananga kunotora mukombe.
Asi Chicken Inn kana kuti maGame Cocks ane mutambo usina kunyanya kuoma apo vari kusangana neChipangano iyo isina nhoroondo yakasimba apo inotamba kunze kwemusha.
Hapana chinoshamisira chiri kutarisirwa kubva kuHwange apo irikushanya kuBabourfields Stadium mangwana kunze kwekuwedzera mapoinzi pane ane Chicken Inn parizvino.
Asi mutambo mukuru svondo rino ndeuyo uri kuBaobab Stadium nemusi weMugovera zvekare apo Highlanders iri kusangana neNgezi Platinum Stars.
Zvikwata zviviri izvi zviri kupinda mumutambo uyu zvichibva mukurohwa zvekuti vese varikuda mapoinzi matatu ese ari mundiro.
Highlanders yakadamburwa 1-0 neTsholotsho Pirates neChitatu, zvichiteverawo kurohwa kwakaitwa Ngezi Platinum 3-0 neCaps United.
Murairidzi weMadamburo Tonderai Ndiraya anoti mutambo neBosso uyu wakaoma zvikuru achiwedzera iye kuti vachashandisa kuve kwavo kwavo kuti vakunde.
Caps United yakananga kuAscot Stadium kuGweru uko iri kunotamba neChapungu iyo vakarova 1-0 munhandare imwecheteyo mwaka wapera musi wavakatora mukombe weligi.
MaGreen Machine ari kutamba zvinodakadza mushure mekukunda mumitambo mina nekuita mangange mumutambo mumwechete pamitambo mishanu yavatamba.
Asi mutevedzeri wemurairidzi wechikwata ichi Fungai Kwashi anoti nzendo ichiri refu achiyambira vatambi vake kuti vasakure musoro nezvirikuitika kwavari.
Mimwe mitambo iriko ndeiyi
Mugovera
FC Platinum v Black Rhinos - Mandava
ZPC Kariba v Harare City - Nyamhunga
Svondo
Bantu Rovers v How Mine - Barbourfields
Triangle v Bulawayo City - Gibbo
Tsholotsho v Shabanie - White City
Mitambo yeEnglish Premier League yakamisa seizvi
Burnemouth v Man City
Huddersfield v Southampton
Crystal Palace v Swansea
Watford v Brighton
Newcastle v West Ham
Man U v Leicester
Chelsea v Everton
Liverpool v Arsenal
Mune imwewo nyaya..
Vatambi vechidiki vari kumaYouth Games kuBulawayo, Victoria Falls, neHwange vari kunyunyuta zvikuru nemabatirwo avari kuitwa nevakaronga makwikwi aya veSport and Recreation Commission.
Mashoko ari kubva kugungano iri anoti vatambi ava havasi kufara nepavari kugara, mafambiro avo kuenda kumitambo, nezvekudya zvavarikupihwa, izvo zvaita vamwe vavo kuti vamhanye nebudumbu.
Zvinonzi vatambi ava vanga vachipihwa bhinzi nemukaka pakudya kwemangwanani, masikati, pamwe nemanheru izvo zvaita kuti vamwe vavo vatadze kukwikwidza nemhaka yekurwara.
Asi anotaura akamirira veSport and Recreation Commission, VaTirivashe Nheweyembwa, varamba mashoko arikufamba aya vachiti ivo vakarwara vashoma shoma, vachiwedzera ivo kuti zvinhu zvirikufamba semarongero avakaita.
Asi vanoziva zviri kuitika varikuti mitambo iyi yaifanira kuve isina kuitwa sezvo panga pasina mari yakakwana.
Facebook Forum