Accessibility links

Breaking News

Makwikwi eCastle Lager Premier League Otsviriridza


 Castle Lager Premier Soccer League.
Castle Lager Premier Soccer League.

Zvikwata zveNgezi Platinum Stars neFC Platinum zvadimbura hutungamiri hweDynamos iri pamusoro peCastle Lager Premier Soccer League kusvika papoindi imwe chete kwasara mitambo mitanhatu chete kuti makundano aya asvike kwamvura yacheka makumbo.

Izvi zvinotevera mitambo yakatambwa mukupera kwesvondo apo Dembare yakatatarika kuita mangange 1-1 neZPC Kariba panguva iyo Ngezi Platinum Stars neFC Platinum dzakatora mapoinzi ese matatu mumitambo yavo.

Ngezi Platinum Stars yakarova Bulawayo City 1-0 neMugovera, ukuwo FC Platinum ikakunda Highlanders 2-1 muBabourfields Stadium neSvondo.

Pari zvino, Dynamos ine mapoinzi makumi mashanu nemanomwe, poindi imwechete pamusoro peNgezi Platinum neFC Platinum.

Asi murairidzi weDynamos, Lloyd Mutasa, achiri nechivimbo chekuti vatambi vaanavo vane mongo wekubudirira muchimurenga chavakatarisana nacho.

Dynamos ichasangana neNgezi Platinum Stars mune mumwe mutambo wasara.

Asi murairidzi weMadamburo, Tonderai Ndiraya, anoti vacharamba vachirwisa kusvikira mutambo wekugumisira.

Asi chikwata chiri kufamba nebhora ndeche Caps United icho chave pachinhanho chechishanu.

Makepekepe ave nemapoinzi makumi mana nemashanu mushure mekurova Triangle 1-0 neSvondo nechibodzwa chakakandwa naDominic Chungwa.

Mimwe mitambo yaiveko yakapera seizvi:

Tsholotsho Pirates 0 Chapungu 3

Harare City 5 Bantu Rovers 0

Shabanie Mine 1 Chicken Inn 1

Yadah 3 Black Rhinos 3

Zvikwata zvina zviri pamusoro ndeizvi:

Dynamos 57 points

Ngezi Platinum Stars 56 points

FC Platinum 56 points

Chicken Inn 52 points

Zvikwata zvina zviri pasi pasi ndeizvi:

Shabanie Mine 31 points

Hwange 30 points

Tsholotsho Pirates 20 points

Bantu Rovers 13 points

Mune imwewo nyaya, mukombe weEnglish Football League wakadarika nemuHarare nezuro uchiperekedzwa nevanoisa mari mumakwikwi aya veEmirates pamwe nemutambi weNigeria, Nwankwo Kanu, uyo akaita mukurumbira achitambira chikwata che Arsenal pamwe neAjax Amsterdam.

Kanu akatora nguva yekushanya kwake munyika nekurairidza vatambi vechidiki avo vaive vakaungana pachikoro chePrince Edward.

Kanu anoti mutambo muAfrica unosimuka chete kana kuchinge kuine hurongwa hwakasimba hwekusimudzira mutambo hwenhabvu mune vechidiki.

Wabva muZimbabwe, mukombe weFA wakananga kuSouth Africa.

Totarisa makundano eEnglish Premier League.

Chikwata cheMan City chawedzera hutungamira hwacho chiri pamusoro pemakundano aya mushure mekuzvambaradza Stoke City 7-2 muEtihad Stadium.

Man City yave nemapoinzi maviri pamusoro peMan United iyo yakapona neburi retsono apo yakashanya kuAnfield kunotamba neLiverpool ndokuita mangange mumutambo uyo Liverpool yaifanira kuve yakakunda tichitarisa mikana yavakawana.

Pari zvino, Man City ine mapoinzi makumi maviri nemaviri, Man United ichitevera iine mapoinzi makumi maviri kubva mumitambo misere.

Asi zvimwe zvikwata zvinoteverwa nechaunga hazvina kuwana mufaro mukupera kwesvondo mushure mekunge Chelsea yakanorohwa 2-1 neCrystal Palace iyo yakawana mapoinzi ayo ekutanga emwaka uno kubva mumutambo uyu.

Arsenal zvekare yakanodamburwa 2-1 neWatford mumutambo wezvikwata zvemuguta reLondon. Kukunda uku kwakwidza Watford kusvika pachinhanho chechina, mapoinzi manomwe pasi peMan City.

Asi Tottenham yaramba yakatsonana nezvikwata zviri kutungamira mushure mekurova Bournemouth 1-0 ndokuramba iri pachinhanho chechitatu nemapoinzi gumi nemanomwe.

Mimwe mitambo yaiveko yakapera seizvi.

Southampton 2 Newcastle 2

Brighton 1 Everton 1

Swansea 2 Huddersfield 0

Burnley 1 West Ham 1

1 league games
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG