Nharo dzanga dziripo dzekuti ndiani achakwikwidza chinzvimbo chipi musarudzo ichaitwa yeZifa dzakapera neChina izvo zvasiya veruzhinji vakatsvukisa maziso kumitambo iriko.
Svondo rese nyaya yanga iripo ndeyekuti ndiani achakwikwidzana nenhengo yeZanu PF, VaPhillip Chiyangwa, pachigaro chemutungamiri weZifa musarudzo ichaitwa musi wa 5 Zvita.
Izvi zvakapera neChina manheru mushure mekunge VaLeslie Gwindi naVa Trevor Carelse-Juul vakakanda matsamba avo ekuda kukwikwidza namuzvinabhizimisi uyu, uyo ane mukurmbira zvikuru.
Veruzhinji vave kutarisa kune mitambo iriko mukupera kwesvondo apo zvikwata zvine mukurumbira muHarare, Dynamos neCaps United, zviri kusangana muRufaro Stadium neSvondo.
Zvikwata zviviri izvi hazvisi kutamba zvakanaka zvekuti mumwe mutsigiri wenhabvu, VaSamson Mukumbi, vanoti mamiriro akaita zvikwata izvi ndiwo achaita kuti mutambo uyu unakidze zvikuru.
Asi VaMukumbi vanoti Dynamos ndiyo iri kunyanyotambura zvekuti vachitarisa zvikwata izvi vari kuona Makepekepe achibudirira.
Asi murairidzi weDynamos, Tonderai Ndiraya, haasi kukanda matombo pasi achiti vari kuda kukunda mumitambo yavo yese yasara kuti vaone kuti vanopedza vari papi mumakundano eligi.
Mitambo yese yemukupera kwesvondo yakamira seizvi:
Mugovera:
How Mine FC vs Flame Lily FC, Luveve Stadium
FC Platinum vs Harare City FC, Mandava Stadium
ZPC Kariba FC vs Chapungu FC, Nyamhunga Stadium
Whawha FC vs Chicken Inn FC, Ascot Stadium
Svondo:
Hwange FC vs Tsholotsho FC, Colliery Stadium
Dynamos FC vs Caps United FC, Rufaro Stadium
Triangle United FC vs Dongo Sawmill FC, Gibbo Stadium
Highlanders FC vs Buffaloes FC, Barbourfields Stadium
Mumutambo wekiriketi, chikwata cheZimbabwe chiri kushanya kuBangladesh uko chiri kutanga kutamba mutambo wezuva rimwe me Shere Bangladesh National Stadium mangwana.
Zimbabwe inofanira kukunda mumitambo mitatu yavari kusangana kuti vazvirerutsire murwendo rwavo rwekuenda kuWorld Cup yemuna 2019.
Zvikwata izvi zvichasangana mune mimwe mitambo Muvhuro neChitatu svondo rinouya..