Accessibility links

Breaking News

Dynamos Yoshura Mare muMakwikwi eCastle Premier Soccer League


Dynamos
Dynamos

Chikwata cheDynamos chasimbisa mukana wacho wekutora mukombe weCastle Lager Premier Soccer League nekudambura chikwata chinovatambudza cheCaps United.

Dynamos yakafadza vateveri vayo mushure mekunge chikwata ichi chakadambura Caps United 2-0 pamberi pechaunga chaityisa muNational Sports Stadium nemusi weSvondo.

Vese vaive munhandare iyi vanobvuma kuti Dembare yaikodzera kutora mapoinzi ese matatu sezvo vaipotsera mabhora akasimba pagedhe reMakepekepe, panguva iyo maGreen Machine aitamba zvekuda kufadza veruzhinji panzvimbo yekuenda kumberi kunokanda zvibodzwa.

Asi mutambo unokundwa nekukanda bhora mumambure izvo zvakaitwa neDynamos mushure mekuzunza mambure kaviri nezvibodzwa zvakabva kuna Christian Epoupa, weku Cameroon, uyo aita mukurumbira wekuona pane gedhe.

Izvi zviri kureva kuti Dynamos yatungamira Caps United 2-1 mumitambo mitatu yavatamba mwaka uno mushure mekurova MaGreen Machine mumukombe weIndependence Trophy, vabva mukukundwa mumakwikwi e ZNA Charity Shield.

Murairidzi weDynamos, Lloyd Mutasa, akati ari kufara zvikuru nekurova kwavakaita Caps United neSvondo asi achiwedzera iye kuti havasi kufarisisa sezvo vachiri nemumwe mutambo nechikwata chinovatambudza ichi.

Asi mutevedzeri wemurairidzi weCaps United, Fungai Kwashi, akati vari kurwadziwa zvikuru nekurohwa nechikwata icho vakavakidzana nacho muHarare kunyanya mumutambo weligi achitizve chibodzwa chechipiri cheDynamos chainge chisina kumira zvakaanaka.

Kukunda uku kwasimbisa mukana weDynamos wekutora mukombe weligi sezvo vave pachinhanho chechipiri kudarika Ngezi Platinum Stars iyo yakarohwa 1-0 neShabanie Mine kuMaglas Stadium, uyezve pamusoro peFC Platinum.

Asi Chicken Inn ndiyo ichiri pamusoro pemakundano aya mushure mekurova How Mine 2-1 neMugovera. Chikwata chaRahman Gumbo ichi chave nemapoinzi makumi mashanu nerimwechete, mapoinzi matatu pamusoro peDynamos, iyo ine nemitambo miviri yaisati yatamba.

FC Platinum ichirimowo zvakasimba mumakwikwi aya mushure mekufamba nzendo refu kuenda kuColliery uko yakanotora mapoinzi ese matatu nekurova Hwange 1-0.

FC Platinum yasvetuka uyezve nekusiya Ngezi Platinum Stars nemapoinzi maviri. Parizvino, chikwata chaNorman Mapeza ichi chine mapoinzi makumi mana nemasere, Ngezi ichiteverawo nemapoinzi makumi mana nematanhatu.

Asi kutambura kweHighlanders kuri kuramba kupera mushure mekunge Bosso yakarohwa 1-0 pamusha payo neChapungu. Highlanders yadzikira zvekuti yave pachinhanho chechinomwe uyezve kure kure nekutora mukombe weligi uyu.

Mimwe mitambo yaiveko yakapera seizvi..

Black Rhinos 1 Triangle 1

Yadah 3 Bantu Rovers 0

Bulawayo City 3 ZPC Kariba 2

Harare City 2 Tsholotsho Pirates 1

Parizvino zvikwata zvina zviri pamusoro soro ndeizvi

Chicken Inn 51 points

Dynamos 48 points

FC Platinum 48 points

Ngezi Platinum Stars 46 points.

Zvikwata zvakatarisana nenjodzi yekubuda muPSL ndeizvi..

Shabanie 25 points

Hwange 20 points

Tsholotsho 15 points

Bantu 12 points

VePremier Soccer League vazivisa ivo kuti mimwe mitambo svondo rino ichatambwa musi wechitatu.

Nyaya Ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG