Accessibility links

Breaking News

Dr Parirenyatwa Vanoti VanaMukoti Vose Vadzokera kuMabasa


Gurukota rinoona nezvehutano Dr David Parirenyatwa vakaudza vatori venhau muHarare nemusi weMuvhuro kuti vanamukoti vose vadzokera kumabasa mushure mekuratidzira.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vachitaura mumashoko akatumirwa kuStudio 7 nebazi rezvehutano, Dr Parirenyatwa vanoti vanamukoti vanosvika zviuru zvitanhatu ndivo vairamwa mabasa pane gumi nezviuru zvitanhatu vari kushanda muzvipatara zvehurumende. Vanotizve zvinhu zvose zvave kufamba zvakanaka muzvipatara.

Asi ongororo yaitwa neStudio 7 kuChinhoyi, zvabuda pachena kuti vanamukoti vadzokera kumabasa asi vachiratidza kuti havasi kushanda nemoyo wose semazuva ose.

Kusashanda zvine chido zviri kusiya vakawanda vaine mubvunzo wekuti kudzoka kwavo kumabasa hakusi kungotya kudzingwa mabasa zvachose here nehurumende.

Vanamukoti pachipatara chikuru chemuChinhoyi yaratidza kuti vana mukoti vanga vachitora nguva yakareba kurapa munhu mumwechete izvo zvanga zvichiita kuti varwere vashoma vapedze nguva yakawanda vari pamitsetse.

Mumwe mugari wemuChinhoyi VaFidelis Mupasiri vanoti zviri pachena kuti vanamukoti havasi kuita basa ravo nechido

Ambuya Fadzai Rukodzi avo vane muzukuru akapihwa mubhedha vanoti vana mukoti havasi kuita zvinenge zvataurwa nanachiremba sezvo vasina kuperera pabasa ravo.

VaMupasiri vanoti chimwe chiri kunetsa ndechekuti varwere vari kumanikidzwa kutenga mishonga kunze kwechipatara uko inodhura zvakanyanya.

Asi Amai Sekai Nyamaropa vanoti vanamukoti vari muwadhi muno yamurwa madzimai vari kuda kusununguka vari kuita basa ravo nemazvo uye vakaperera.

Vanamukoti avo vanga vachiramwa mabasa kwesvondo rose rapera vakadzokera kumabasa mushure mekunge hurumende kuburikidza nemumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika, General Constantino Chiwenga, yavizisa kuti yange yavadzinga basa.

Asi vasati vatanga basa nemusi weMuvhuro vanamukoti vanzi vasaine magwaro ekuti vakabuda basa uye nemamwe ekuti vave kuda basa zvakare izvo vakawanda vanonzi vaita.

Mukuru webazi rezvehutano mudunhu reMashonaland West VaWensilus Nyamayaro vanoti vanamukoti vose vadzokera kubasa mushure mekusaina magwaro ose anga achidiwa kuti vasaine uye vakapihwa mukana wekupinza basa vamwe vanamukoti zana basa.

Vari kuziva zviri kuitika pachipatara chemuChinhoyi vanoti vamwe vana mukoti vanofungidzirwa kuti ndivo vaikurudzira vamwe kuti varamwe mabasa vacharambirwa kuti vadzoke pabasa.

Dr Parirenaytwa vanoti vanamukoti vanosvika zviuru zvitanhatu ndivo vairamwa mabasa pane gumi nezviuru zvitanhatu vari kushanda muzvipatara zvehurumende. Vanotizve zvinhu zvose zvave kufamba zvakanaka muzvipatara.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG