Accessibility links

Breaking News

Nhoroondo yaVaDonald Trump


Donald Trump
Donald Trump

VaDonald J. Trump, mutungamiri weAmerica wechimakumi mana neshanu, uye vari mutungamiri wechitatu kumboferefetwa vachipomerwa mhosva yekutyora mitemo yenyika, asi vakazowanikwa vasina mhosva, vari kupinda musarudzo muna Mbudzi kuitira kuti vatonge kwetemu yechipiri.

VaTrump vakaparura chirongwa chekutsvaga rutsigiro muna Chikumi 2019 kuOrlando, muFlorida, vachishandisa dingindira rekuti, "Keep America Great," izvo zvine mutsauko pane dingindira ravakashandisa mugore ra2016 rekuti "Make America Great Again.” VaTrump vakaudza vatsigiri vavo kuti: "Takazviita kamwe chete uye tichazviita zvakare uye rwendo rwuno tiri kupedzisa basa."

Zvavakaita Zvakabudirira:

Vasati vave mutungamiri wenyika, VaTrump vaive muzvinabhizimusi aizivikanwa munyaya dzezvivakwa muNew York uye vari munhu aive nemukurumbira mukubuda mumaterevhizheni. Vachangopedza zvidzidzo munyaya dzemari kuWharton School of Finance yepaUniversity yePennsylvania, vakatora bhizinesi rezvivakwa remhuri yavo, vakariwedzera vachivaka mahotera, zvivakwa zvekubhejera, uye nhandare dzekutambira gorofu pasi rose.

Trump Climate Real Estate at Risk
Trump Climate Real Estate at Risk

Mukutanga kwemakore ekuma 1990, VaTrump vakamanikidzwa kuvhara mamwe mabhizimusi avo zviri pamutemo mushure mekutadza kubhadhara zvikwereti zvezvinhu zvavaive nazvo muAtlantic City neNew York. Mushure mezvo, vakazomutsiridza zvakare mabhizinesi avo, uye muna 2016, Forbes Magazine yakati hupfumi hwavo hwainge hwakakosha kusvika pamabhiriyoni matatu nezana manomwe ezviuru zvemadhora emuAmerica, kana kuti US$3,7 billion.

Muna 2004, VaTrump vakatanga kuzivikanwa zvikuru nenyaya dzekubuda mumaterevhizheni, uye vakabura zvirongwa zvinosanganisira "The Apprentice," icho chakaita mukurumbira panhepfenyuro ye NBC. Vakazosiya chirongwa ichi muna 2015 sezvo vange vave kugadzirira kukwikwidza semutungamiri wenyika

Hutungamiri hwaVaTrump:

Mumakore avo matatu nechidimbu vari muhofisi, VaTrump vakapasisa bhiri guru rekuvandudz mitero, vakadzikisa huwandu hwemauto emuAmerica muSyria, uye vakawana rutsigiro kubva kudare reSeneti kuti vagadze nhengo mbiri mudare reSupreme Court, VaNeil Gorsuch and Brett Kavanaugh.Vakawana zvakare rutsigiro rwekudoma vatongi vematare edzimhosva vanosvika maviri.

Kusarudzwa kwaVaKavanaugh kwakamboti netseyi sezvo pakamboitika kukakavadzana zvakanyanya, veruzhinji vachinzwa nyaya dzavo dzekunwa doro vachiri mudiki pamwe nemhosva yavaipomerwa yekuvata nemadzimai anenge asina kuwirirana navo. Mukupedzisira, dare reSeneti rakazowirirana zvisina mutsindo kutambira VaKavanaugh kuti vave nhengo yedare reSupreme Court.

VaTrump vakadzika mitemo yaiomesera vabvakure zvakawana mvumo yekuti vapihwe mari ino svika $1.4 billion kubva kudare reCongress kuti vavake mudhuri (kunyange hazvo mari iyi yainge iri shoma pane mari yavakange vakumbira) uye vakashandisa masimba avo kutara mutemo we state of emergency kuitira kuti vawane mari inosvika mabhiriyoni matatu nemazana matanhatu ezviuru zvemadhora kuotira kuti vavake mudhuri wavo.

Mutungamiri wenyika vakateedzera zvavakange vavimbisa vatsigiri vavo zvekuti vaizo dzoderedza mutemo wehurumende uye kubvisa chikamu chikuru chemutemo unobata hutano chakadzingwanevaimbove mutungamiri weAmerica, VaBarack Obama, uyo waizivikanwa nerekuti Obama Care.

Kunyange hazvo mamiriyoni evanhu vemuAmerica vari kurasikirwa nemabasa pamwe nezvirongwa zvinobatsira kubhadhara mari munguva dzekurwara panguva iyo pasi rose rakatarisana nedambudziko reCoronariruskusanganisira America, VaTrump vakakwidza nyaya kudare repamusoro kuti rirase chirongwa cheObamacare. VaTrump vanogara vachiratidza kusafarira kwavo mitemo yakadzikwa naVaObama, munhu mutema wekutanga kutungamira America.

Trump Health Care
Trump Health Care

Kwemakore matatu, VaTrump vaive mutungamiri munyika yaibudirira munyaya dzehupfumi, uye vanhu vaive vasina mabasa vaive zvikamu zvitatu nechidimbu kubva muzana, zvisati zvaitika mumakore makumi mashanu muAmerica.

Asi kubudirira uku kwakapera pasina yambiro muna 2020 sezvo dambudziko reCoronavirus rakapararira kubva kuChina, richibata nyika dzose, VaTrump vachiita zvejee neCovid-19 pahukasha hwayo nekuvhiringa kwayo America.

Mukupera kwaKukadzi, pane chimwe chirongwa chinogaroburitswa paterevhizheni VaTrump vakati, "Chichanyangarika. Rimwe zuva zvichaita sechishamiso, chirwere ichi changonyangarika."

Asi hutachiona uhu hwapararira muamatunhu makumi mashanu emuAmerica, huchivhiringa zvinhu zvakawanda. Nenguva pfupi America yakaputirwa nekuparara kwehupfumi. Vashandi vanopfuura mamirioni makumi mana nemasere vakarasikirwa nemabasa avo – hunova huwandu hunodarika zvikamu makumi mashanu kubva muzana zvevashandi vose vari muAmerica – zvichitevera kuvharwa kwemabhizinesi nemagavhuna ematunhu senzira yekumisa kupararira kwechirwere ichi. Zvikoro zvose zvakavharwa pakatangwa zvirongwa zvedzidzo zvinoita pamadandemutande vadzidzi vari mudzimba dzavo.

Mitambo yakasiyana siyana yakamiswa, zvipatara zvikambomisa kuvhiya vanhu uye nzvimbo dzekudya dzakawanda dzichivharwa dzichikurudzira chete vanhu kuti vatenge zvekudya pafoni vangosvika vachitora zvinhu zvavo vasingadyire munzvimbo idzi.

VaTrump vakatanga zvirongwa zvekutaura pamusoro pechirwere cheCovid -19 mazuva ose, asi kazhinji vachitarisira chirwere ichi pasi, vachiratidza kutya kuti vakachitambira zvaizovhiringa hurongwa hwavo hwekusarudzwa zvakarekunge musi waMbudzi 3.

Vakaramba vachivimbisa kuti mushonga weCoronavirus uchawanikwa mumwedzi mishoma iri kutevera kunyange hazvo nyanzvi dzezvehutano dzaipikisa dzichiti kudzivirirwa kwevanhu vakawanda kubva kuchirwere ichi kwaizotanga muna 2021.

Kwechinguva, VaTrump vaiti ivo mushonga wechirwere cheMalariaunonzi hydroxychloroquine unorapa denda iri uye ivo mbune ndivo wavaishandisa kuzvidzivirira.

Asi tsagiridzo dzaakaitwa nenyanzvi dzezvehutano pasi rose dzakati mushonga waikurudzirwa naVaTrump wainge usingakwanise kurapa Covi-19, izvo zvakazoita kuti VaTrump vamire kutaura nezvekunwa mushonga unogona kukuvadza.

Pane imwe nguva, VaTrump vakashamisa vanhu vemuAmerican nekutaura kuti hutachiona hwe coronavirus hwaigona kurapwa nekunwa zvinoshandiswa kusuka ndiro nezvimwe zvakadayi sejiki. Apo nyanzvi dzehutano dziri kukurudzira vanhu vemuAmerica kuti vapfeke mamasiki kumeso kuti vasatapurirane Covid-19, VaTrump vakaramba, vachiti havana pfunga yekuti ndezvechokwadi, uye vakashora vanhu vanopfeka mamasiki aya.

Nekupindana kwenguva, mushure memasvondo akawanda, huwandu hwevanhu vakafa neCovid-19 hwakadarika pazviuru zana nemakumi matatu nechimwe, kana kuti 131,000 muAmerica, uye huwandu hwevanhu vakabatwa neCoronavirus hwakakwira pakati pegore kusvika pamamirioni matatu, huwandu hunopfuura dzimwe nyika pasi rose.

Nyanzvi dzezvehutano dzinofungidzira kuti zviuru nezviuru zvevanhu vachafa nechirwere cheCovid-19 mumwedzi inotevera.

Panguva iyo huwandu hwevanhu vari kubatwa neCovid-19 huri kudzikira kudzimwe nzvimbo dziri kumaodzanyemba kweAmerica, kune vanhu vari kubatwa zvakare nechirwere ichi kuchamhembe kweAmerica uko kune matunhu akatanga kuvhura mabhizinesi asi magavhuna ematunhu aya akazovhara zvakare mabhizinesi nepamusana pehuwandu hwevanhu vatsva vari kubatwa nedenda iri mumatunhu aya.

Huwandu hwevanhu vakasiyiswa mabasa nedenda iri muAmerica. hwakakwira kusvika pazvikamugumi nezvina zvine zviga zvinomwe kubva muzana, kana 14,7% muna Kubvumbi, ndokuzodzikira kusvika pazvikamu gumi nechimwe nechiga chimwe chete kubva muzana, kana kuti 11.1% muna Chikumi apo vanhu vanosvika mamiriyoni mashanu vakawana mabasa.VaTrump, vachizvirumbidza, vakasimbisa veruzhinji, vachiti mazuva ehupenyu huri nani ari pamberi apo America inopinda muchikamu chepiri uye chekupedzisira chegore rino izvo zvicharamba zvichiitika kusvika mugore ra 2021.

Panguva iyo Coronavirus yaitekeshera muAmerica, VaTrump vakamanikidzwa kutarisana nekuratidzira kwakaitwa neveruzhinji munyika avo vaishora zvakaitika musi waKubvumbi 25 apo mumwe murume wechitema ari chizvarwa cheAmerica, VaGeorge Floyd, vakaurayiwa nemapurisa echichena kuMinneapolis, mushure mekunge mumwe mupurisa adzvanya neibvi rake pamutsipa waVaFloydkunyange mufi akati ainge asingakwanisi kufema. VaTrump havana kunyatsobuda pachena pamhirizhonga yakazoitika, asi vachitsigira havo kuratidzira munyararo panguva imwe chete vachiti kushevedzerwa kuri kuitwa mumigwagwa kuti “Black Lives Matter” chaive “chiratidzo cheruvengo.”

MINNEAPOLIS-POLICE-PROTESTS-WASHINGTON
MINNEAPOLIS-POLICE-PROTESTS-WASHINGTON

Vakaburitsa pachena kutsigira kwavo manzwi akataurwa nemumwe munhu wechichena ekuti “White Power” ayo akamboiswa padandemutande ravo reTwitter, asi ndokuzobviswa, mushure mekunge veruzhinji vashora chiitiko ichi.

Panguva iyo America yakapemberera zuva rekuzvitonga musi wa4 Chikunguru, rinova makore zana nemakumi mana nemana kubva America yawana kuzvitonga, VaTrump vakasimbisa kushora kwavo kwevairatidzira vachiti izvi zvakange zvakashata uye zvichiitirwa kuti zviuraye nyika vachiti zvizokonzera "kuguma kweAmerica."

Nekushanduka kwezvinhu muchikamu chekutanga chegore ra2020, hutongi hwaVaTrump hwange hwave zinyekenyeke, wongororo zhinji dzekufarirwa kwavo neveruzhinji dzichiratidza kuti vange vachikundwa nevaimbova mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaJoe Biden, vari kuvakunda nezvikamu zvipfumbamwe kubva muzana, kana kuti 9% mwedzi mina sarudzo dzisati dzaitwa.

Asi vatungamiriri vaviri vechete veAmerica ndivo vakakundwa musarudzo yekuti varambe vari pachigaro mumakore makumi mana apfuura, uye vatsigiri vaVaTrump vaknozviziva VaTrump vakambenge vari mushure maAmai Hilary Clinton asi vakazovakunda musarudzo dza2016.

Kudyidzana Kwavo neDzimwe Nyika:

Hurongwa hwekudyidzana nedzimwe nyika hwaVaTrump hunotsanangudzwa nematauriro avo ekutizvido zveAmerica ndizvo izvinoiswa pamberi pasi pedingidira rekuti “America First.” VaTrump vakabuda muzvibvumirano zvakawanda zvanga zvine America nedzimwe nyika, zvonosanganisira chibvumirano che Trans-Pacific Partnership, chekutengeserana; Chibvumirano chemamiriro ekunze cheParis Climate Agreement, uye chibvumirano cheIran munyaya dzezvezvombe zve nuclear.

Munyaya dzekutengeserana, VaTrump vakazadzisa chitsidzo chekuti vadzore chibvumirano chekuNorth America Free Trade Agreement chekutengeserana neCanada neMexico, panguva imwe chete vachirwisana munyaya dzekutengeserana neChina.

VaTrump vanogara vakabvunza nezvehuwandu hwemari inoshandiswa neAmerica mukuchengetedza dzimwe nyika uye vachishoropodza pachena mubatanidzwa we NATO, uyo wakawumbwa mushure meWorld War II.

VaTrump vane hukama husina kunaka nevamwe vatungamiri vaimbodyidzana neAmerica vakaita sa Amai Angela Merkel vekuGermany, uye nemutungamiri weFrance, VaEmmanuel Macron, asi vanofambidzana nevanogara vakapokana neAmerica, vakadayi semutungamiri weRussia, VaVladimir Putin, uye mutungamiri weNorth Korea, VaKim Jong Un. VaTrump vakapa VaKim zita remadunhurirwa rekuti "little rocket man" asi vakazoonana navo katatu uye ndokuti, "Taumba hukama hwakanaka."

Matambudziko Avo seMutungamiri:

VaTrump, kunze kwechirwere cheCovid-19, pamwe nedambudziko rehupfumi gore rino ra2020, vakatarisana nematambudziko akakura semutungamiri wenyika, kusanganisira kumboferefetwa kwavakaitwa nebato reDemocratic Party pamusoro pemashoko ekuti VaTrump vakatsvaga rubatsiro rweUkraine kuchera ruzivo rwevaimbova mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaJoe Bidenpamwenemwanakomana wavo, Hunter Biden, izvo zviizokwanisa kukanganisa mukana waVaBiden wekuyedza kukwikwidzana naVaTrump musarudzo dzegore ra2020.

Dare re House of Representatives, iro rine nhengo dzebato Democratic Party kudarika dzeRepublican Party, rakawana VaTrump vaine mhosva muna 2019 asi dare re Seneti rinotongwa nenhengo dzeRepublican Party idzo dzakawanda mudare iri, rakarasa nyaya iyi mukutanga kwa 2020. VaTump vakatarisana zvakare nekuferefetwa kwemakore maviri kwaitungamirwa naVaRobert Muller avo vakaongorora kupindira kweRussia musarudzo dzeAmerica dzemuna 2016.

Ongororo yaVaMueller haina kuwana vaitsigira VaTrump mukutsvaga rubatsiro vaine mhosva yekushanda neRussia kuitira kuti VaTrump vakunde musarudzo yemuna 2016. Zvisineyi, gwaro raVaMueller harina kubuda nekurudziro yekuti VaTrump vatongwe paimwe mhosva yavaipomerwa yekuda kuvharidzira kuti nyaya yavo isaongororwe vachishandisa chinzvimbo chavo. Zvisineyi hazvo, kune tsika yagara irimo muAmerica yekuti mutungamiri wenyika haagone kupomerwa mhosva achiri muhofisi.


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG