Accessibility links

Breaking News

Zvinhu Zvoramba Zvakaipa Muzvipatara zveHurumende


Zimbabwe Abduction
Zimbabwe Abduction

Vanachiremba vanoti havasati vawana zvikwanisiro zvekuti vaende kumabasa avo, kunyange hazvo zvinhu vachiziva kuti hazvina kumira zvakanaka muzvipatara.

Vakafanobata chigaro chemutevedzeri wemutungamiri weZimbabwe Hospital Doctor’s Association, Doctor Masimba Ndoro, vati havasati vapihwa mari inokodzera kunge vachikwanisa kuenda kubasa izvo zviri kuramba zvichiisa hutano hweveruzhinji parumana nzombe.

Dr Ndoro vanoti kunyange hazvo vakaita hurukuro neHealth Services Board, havasati vapiwa mhinduro pazvichemo zvavakaisa.

Dr Ndoro vati pari zvino muzvipatara muri kubatsirwa vane hupenyu huri panjodzi zvakanyanya asiwo vakati vari kukurudzira hurumende kuti igadzirise dambudziko riripo iri vachiti zvinhu hazvina kumira zvakanaka.

Kusamira zvakanaka kuri muzvipatara kwaburitswawo pachena navachiremba vari pasi pesangano reSenior Hospital Doctors Association, avo vazivisawo hurumende kuti vachatanga kuramwa mabasa kutanga nemusi weChina kana hurumende ikasagadzirisa zvichemo zvavo.

Sangano iri rati vashani vemuzvipatara vari kushanda kwemazuva maviri kana matatu pasvondo, asi vana chiremba vadiki vasiri kutoenda kubasa zvachose.

Mugwaro ratumirwa kubazi rezvehutano, pamwe nevakuru vezvipatara, sangano iri rinoti zvinhu zvatoipisisa muzvipatara, nokudaro hurumende inofanirwa kugadzirisa dambudziko iri zvechimbi chimbi.

Pashanyirwa zvipatara zveHarare ne Parirenyatwa, varwere vatadza kuonekwa nana chiremba vange vachiti havachazivi zvokuita.

Mumwe murwere, Amai Monica Chipindu, avo vange vachiti vanorwadziwa zvakanyanya nemusana, vati zvakangovaremera kuuya kuchipatara vodzoswa vasina kurapwa

Vamwe amai zvakare vada kuzivikanwa nezita rekuMagumbo vanga vauya nemwana wavo vaudza Studio 7 kuti kunyange hazvo kumasejari vana chiremba vari kushanda, mari dziri kubhadhariswa varwere havadzikwanisi.

Sachigaro veHealth Services Board, Dr. Paulinas Sikosana, vaudza Studio7 kuti vanachiremba vanofanirwa kudzokera kumabasa sezvo bhodhi ravo riri kugadzirisa mari dzavanotambira.

Vanachiremba vari pasi pesangano reZimbabwe Hospital Doctors Association vakatanga kuramwa basa musi wa Gunyana 3 vachiti havana mari inovakwanira kuti vange vachienda kubasa.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG