Dare reparamende yemuAfrica, rePan African Parliament, PAP, neChipiri rakatadza kuita sarudzo yekutsvaga mutungamiri weparamende zvichitevera kusawirirana kukuru pakati pemaitirwo esarudzo izvo zvakakonzera mhirizhonga mumusangano uyu.
Musangano uyu, uyo waiitirwa kuMidrand kuSouth Africa, waifanirwa kuitwa kubva musi wa 21 Chivabvu kusvika musi wa 04 Chikumi chinove Chishanu chino, asi wakavharwa neChipiri pasina chafamba.
Nhengo dzeparamende dzekuZimbabwe kusanganisira nhengo yeZanu PF, Amai Barbara Rwodzi, vakabatana nedzimwe nhengo dzparamende dzekuSouth Africa dzinosanganisira VaJulius Malema, vanove mutungamiri webato reEFF, dzakamira zvakasimba kudzivirira kuitwa kwesarudzo iyi kana pasina hurongwa kwekuchinjanwa kwehutungamiri.
Dunhu rekuchamhembe kweAfrica umo munove mune Zimbabwe, rinonzi riri kuda kuti hutungamiri huitwe hwemadzoro, asi nyika dzekumabvazuva nemawirira kweAfrica, zvikuru dzinotaura French, dzinonzi dziri kuramba hurongwa hwekuchinjana hutungamiri dzichida kuti kuitwe zvekuvhota.
Asi kuvhota kunonzi kunopa nyika idzi mukana wakakura wekukunda sezvo dzakawanda kudarika dzekuchamhembe.
Kusaitwa kwesarudzo kwave kureva kuti vakafanobata chigaro, vari nhengo yeparamende yeZimbabwe, Ishe Fortune Charumbira, vacharamba vari panyanga kusvika zvinhu zvagadzikana musangano iri.
Imwe nhengo yeparamende yePAP iyi vari mumiriri weGutu South muparamende, VaPupurai Togarepi, veZanu PF vanoti ivo vaida kuti hushe huitwe madzoro sezvo zviri izvo zvinotsigirwa nesangano remubatanidzwa wenyika dzemuAfrica, weAfrica Union.
VaTogarepi vanoti Africa Union yakatonyorawo gwaro rekutsigira hurongwa hwekuchinjana hutungamiri uhwu, asi vamwe ava vakaramba kuritevera.
Vanoti kana zvinhu zvakafamba zvakanaka, vangangozosangana zvakare muna Nyamavhuvhu, asi chete mushure mekunge pawiriranwa kuti hutungamiri huri kuchinjanwa.
Facebook Forum