Accessibility links

Breaking News

Dhora reZimbabwe Rodonha Mitengo Ichiita Chamurambamhuru


Muzvinafundo Mthuli Ncube
Muzvinafundo Mthuli Ncube

Dhora remuZimbabwe riri kushaya simba zvakanyanyisa zvekuti range richitengeswa nemadhora anosvika makumi mana nematanhatu zvichienzaniswa nedhora rimwe chete rekuAmerica.

Izvi zvapa kuti mitengo yezvinhu iite chamurambamhuri sezvakaburitswawo neZimbabwe National Statistics Agency kana kuti Zimstats nezuro kuti mutengo wekukwira kwezvinhu kana kuti inflation wainge wasvika pazvikamu mazana mashanu nemakumi mana kubva muzana zvinonzi nedzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi munongedzo wekuti nyika yananga kumawere.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachidzidzisa paNelson Mandela Metropolitan University, Muzvinafundo Gift Mugano, vanoti kushaya simba kwedhora zviri kukonzerwa nezviri kuitika pamusika mutema.

Vaimbova gurukota rezvemari VaTendai Biti vanova zvekare mutevedzeri wemutungamiri webato reMDC vanoti havashamiswe nekushaya simba kwedhora remunyika uku.

Munyori mukuru musangano revashandi reZCTU, VaJaphet Moyo, vanoti kushaya simba kwedhora remunyika kuri kuomesera mushandi zvakanyanya.

Mutungamiri weEmployers Confederation of Zimbabwe, Doctor Israel Murefu, vanoti vashandirwi vane chido chekuti dai nyika yashandisa hayo rand rekuSouth Africa kana zvedhora reZimbabwe zvakona n’anga murapwa achida.

Asi gurukota rinoona nezvevashandi, Muzvinafundo Paul Mavima, vanoti hurumende iri kuyedza kugadzirisa dambudziko iri.

Asi Muzvinfundo Mugano vanoti komiti yakagadzirwa negurukota rezvehupfumi, Muzvinafundo Mthuli Ncube, haikwanise kugadzirisa dambudziko rekushaya simba kwedhora remunyika.

Aka ndekekutanga Zimstats ichitenderwa kuti iburitse kuti mutengo wezvinhu wasvika papi mushure mekumbomiswa kuita izvi muna Nyamavhuvhu gore rapera negurukota rezvemari VaNcube.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakazivisa kare kuti hapana kudududza pakushandisa dhora remunyika sezvo chiri chidadiso chenyika.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG