Dhora remuZimbabwe riri kuramba richishaya simba zvakanyanya zvave kupa kuti mitengo yezvinhu irambe ichiita chamurambamhuru sezvakamboitika kumakore ekuma2007 na2008.
Dhora remuAmerica riri kutengwa nemadhora makumi matatu nemaviri kusvika makumi mana.
Zvekudya, mafuta ekufambisa dzimotokari nezvinhu zvakawanda zvave kudhura zvakanyanya zvekuti vamwe vave kuti danho rekushandisa dhora remunyika raramba kushanda.
Vachitaura kuKuwadzana pahurongwa hwekuchengeta nzvimbo iyi muna Ndira, mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakati vainge vodzora dhora remunyika sezvo pasina nyika ingararame isina mari yayo.
Asi mutungamiri webato guru rinopikisa, VaNelson Chamisa, vakatiwo zvekuda kushandisa dhora remunyika haishande.
Asi nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, Muzvinafundo Gift Mugano, vanoti vezvematongerwo enyika panyaya yemari handivo vanoudza musika wemari zvekuita.
Mutungamiri wesangano reConfederation of Zimbabwe Retailers, VaDenford Mutashu, vatendawo kuti zvinhu zvave kutengeswa nemari yekunze.
Mukuru weZimbabwe National Chamber of Commerce, VaChris Mugaga, vanotiwo panoda kutoisa musoro pamwe chete kuti dhora rishande zvakanaka.
Asi Muzvinafundo Mugano vanoti hapana chembwa tenzi vararira mutakura nekuti kana iyo hurumende yave kuramba kutambira dhora remunyika.
Munyori mukuru musangano reZCTU, VaJaphet Moyo, vatiwo kumushandi zvinhu hazvina kumira zvakanaka.
Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti Reserve Bank of Zimbabwe, RBZ, iri kupota ichidhindha mari izvo zvinogona kuti nyika irambe iri kumawere.
Asi gavhuna weRBZ, Dr John Mangudya, vanoti aya manyepo.
Zimbabwe yakatanga kushandisa mari dzekunze kusanganisira dhora rekuAmerica muna 2019 asi ikazoti yave kudzokera mukushandisa dhora remunyika chete gore rapera.
Facebook Forum