Accessibility links

Breaking News

Vanorwira Kodzero dzeVanhu Vanoti South Africa Iri Kutyora Mitemo Yayo paZvizvarwa zveDzimwe Nyika


Mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma
Mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma
Masangano anorwira kodzero dzeveruzhinji anoti South Africa iri kutyora kodzero dzezvizvarwa zvidzimwe nyika muzvirongwa zvayo zvekudzosera vanenge vabatwa vari munyika iyi zviri kunze kwemutemo.

Gwaro rakabauritswa nesangano re Solidarity Peace Trust pamwe ne People Against Suffering Oppression and Poverty – Pasop, gore rino, runoti South Africa yaidzosera mumakore matatu apfuura, zvizvarwa zveZimbabwe zvinosvika mazana matatu ezviuru pagore rega rega.

Kusamira zvakanaka munyaya dzezvematongero enyika muZimbabwe, ndiko kunonzi kwakamanikidza South Africa muna 2009, kuti imise zvirongwa zvekudzosera zvizvarwa zveZimbabwe kumusha kusvikira zvinhu zvagadzikana muZimbabwe.

Asi gore rapera, hurumende yaVaJacob Zuma, yakatanga zvakare kusunga nekudzosera kuZimbabwe vanhu vanenge vapinda munyika iyi zvisiri pamutemo.

Sangano re International Organisation for Migration, IOM, rinoti pari zvino vanhu vari kudzoserwa kuZimbabwe vangangosvika zana mwedzi wega wega. Asi kubva muna 2003 kusvika muna Kurume 2012, South Africa inonzi yakadzosera zvizvarwa zveZimbabwe zvinosvika miriyoni imwe chete nemazana mashanu ezviuru.

Gwaro richangoburitswa nesangano reLawyers for Human Rights runoratidzawo kuti kune vakawanda vari kungodzoserwa vasina kupihwa magwaro anoratidza kuti vave kudzoserwa kunyika yavo. Sangano iri rinoti zvakare vazhinji vanopihwa magwaro aya vanoti havanzvisisi zvaanoreva.

Mukuru wesangano re Lawyers for Human Rights, Amai Kajaal Ramjathan Keogh, vanoti pakamba yekuMusina vakaona mapurisa achidzosera vanhu kuZimbabwe pasina mbvumo yevashandi vebazi rezvemukati menyika.

Asi muruku webazi rezvemukati menyika, VaMkuseli Apleni, vanoti kashoma kuti kudzoserwe avo vanenge vachitsvaga hupoteri.

Asi chimwe chizvarwa cheZimbabwe, VaPater Asiti, vanoti munhu anodzoserwa kumusha kwake, munhu anenge anyimwa hupoteri nekuti South Africa inoti kuZimbabwe hakuna hondo.

Asi VaApleni vanoti South Africa haigoni kutakura matambudziko eZimbabwe ose, izvo zvinopa kuti idzosere vanenge vawanikwa vari munyika iyi zviri kunze kwemitemo.

Sangano reIOM rinobatsira zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda nechikafu pamwe nemari yekukwira mabazi pakudzokera kumusha, kana vasiiwa pamuganhu we South Africa neZimbabwe, paBeitbridge mushure mekudzingwa muSouth Africa. Mukuru wesangano iri muSouth Africa, Va Eric Ventura, vanoti South Africa iri kushanda zvakasimba mukugadzirisa zvisiri kufamba negwara kwaro apo inenge ichidzosera vanhu kunyika dzavo.

Asi nyanzvi yakazvimirira munyaya dzezvehupfumi uye vachishanda nerimwe bhanga muSouth Africa, Va Colls Ndlovu, vanoti chirongwa chekudzosera nechisimba zvizvarwa zvekuZimbawe kubva muSouth Africa hachina maturo ose, uye chiri kupedza mari yehurumende yenyika iyi sezvo vanhu ava vachizodzokerazve kuSouth Africa mushure mekunge vambodzingwa.

Pakati pa 2009 na 2010, South Africa yakashandisa mari inosvika bhiriyoni rimwe chete nemazana masere ezviuru zvemaranzi (1.8billion rands) muzvirongwa zvayo zvinobata vekunze kwenyika.

Asi VaApleni vanoti hurumende yavo iri kushanda husiki nesikati mukudzivirira kuti kusave nevanhu vanopinda zvisiri pamutemo pamuganhu weZimbabwe neSouth Africa kuitira kuti hurumende yavo isarambe ichishandisa mari yakawanda.

South Africa ndiyo nyika pasi rose iri kutambira vapoteri vakawandisa vekune dzimwe nyika. Vapoteri ava vanobva kunyika dzakaita seMalawi, Mozambique, Somalia, Ethiopia, Nigeria, Rwanda neBurundi.

Nyaya Ina Benedict Nhlapho
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG