Accessibility links

Breaking News

Dynamos Inotenga Vatambi Vatsva


Dynamos

Dynamos yavaka chikwata chitsva yakatarisana nemakundano enhabvu emwaka uno.

Dembare yatenga Jimmy Tigere na William Manhondo kubva kuHarare City iine chinangwa chekutora mukombe weCastle Lager Premier Soccer League uyo yakapedzisira kutora muna 2014.

Pamusoro pezvo, Dynamos yawirirana neFC Platinum kuti irambe iine mutambi, Cleopas Kapupurika, uyo yaive yapihwa neKugona Kunenge Kudada kwegore rimwechete iro rakapera musi wa 31 Zvita.

Dynamos yabvumirana zvekare nemutambi Christian Epoupa uyo aitarisirwa kubva kuchikwata ichi achinzi ari kuenda kuBidvest Wits yekuSouth Africa, asi ave kuramba ari kuDembare kwerimwe gore.

Munyori mukuru weDynamos, VaWebster Marechera, vanoti Dembare haina zvekare kurasikirwa nemutambi kana mumwechete panguva yezororo vachiti ivo manyepo kuti kaputeni wavo, Ocean Mushure, ari kubva kuchikwata ichi.

VaMarechera vanoti gakava ranga riripo pakati peDynamos nevatambi Tichaona Chipunza, Obey Mwerahari naPearce Makaha, avo vanga vachiramba kunyorerana chibvumirano nechikwata ichi kusvikira vatambidzwa mari yavo yemwaka wapera, ragadziriswa.

VaMarechera vanoti vakapa murairidzi wavo, Lloyd Mutasa, simba rekutsvaga vamwe vatambi vatsva vachiti ivo varipo chete kupa ruyamuro rwemari kana pane mutambi waanenge achida.

Mutungamiri weDembare uyu anoti hapana chavari kutarisira kubva kuna Mutasa kunze kwekutora mukombe we league, vachiti izvi zvikasaitika, vanotora matanho makukutu.

Dynamos ine nhoroondo yekudzinga dzinga varairidzi.

Dembare yakapedzisira kutora mukombe we league muna 2014 apo yairairidzwa naKalisto Pasuwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG