Accessibility links

Breaking News

Delta Yopererwa neMari yeKugadzira Coca Cola neZvimwe Zviniwa Nyika Yatarisana neKisimusi


Coca-Cola
Coca-Cola

Kambani yeDelta inoti yave nemavhiki maviri isingagadzire zvinwiwa zvakaita seCoca Cola nekuda kwekushaya mari yekunze yekushandisa kubva hurumende zvayachinja mutemo wekuwana mari kwemakambani kubva kumabhanga nekuReserve Bank of Zimbabwe, RBZ.

Izvi zvave kureva kuti vanhu vachatamba kisimusi vasina zvinwiwa zvavajaira kunwa zvakanyanya panguva iyi. Delta iri kuyambirawo kuti doro rinogonawo kutanga kushaikwa muna Ndira.

Hatina kukwanisa kubata gavhuna weRBZ, Dr John Mangudya, sezvo vati vange vari mumusangano.

Makambani akawanda munyika ari kuti ari kuvhara kana kuderedza mashandiro awo nekushomeka kwemari yekunze uku. National Foods nhasi yavhara mamwe mabhizimisi ayo muHarare neBulawayo.

Mukuru wekufambiswa kwemabasa muDelta kana kuti Corporate Affairs Director, VaAlex Makamure, vaudza Studio 7 kuti pamwedzi vanoda mamiriyoni mashanu kuti bhizimusi ravo rifambe zvakana, pamari iyi mamiriyoni maviri anenge ari ebhizimisi rezvinwiwa zvakaita seCoca Cola.

Hurukuro naVaAlex Makamure
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG