Vaive mutevedzeri wegurukota rezvekurima, uye vari munyori anoona nezvesarudzo muMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, VaSeiso Moyo, varadzikwa kumarinda eLady Stanley kuBulawayo.
Vachitaura pakuvigwa kwaVaMoyo, VaTsvangirai vatsanangura mushakabvu semunhu akanga akazvipira mukuita basa rake uye aive munhu aikwanisa kubatanidza vanhu.
VaTsvangirai vatiwo nekuda kwekushanda zvakanyanya kunoitwa nenhengo dzeparamende pamwe nevezvematongerwo enyika, vanhu ava havazvipe nguva yekuti vaonekwe nevana chiremba vachitariswa hutano hwavo.
Vabva kubato reZanu PF vanosanganisira gurukota rezvemigodhi, VaObert Mpofu, mumiriri weMwenezi East, uye vari nhengo yePolitburo, VaKudakwashe Bhasikiti, naMai Sithembiso Nyoni nevamwe, pamwe nemunyori mubazi rezvekurima, VaNgoni Masoka.
VaMoyo, avo vaive zvakare mumiriri weNketa muparamende, vakashaya neChishanu
mushure mekurwara nechirwere chemwoyo.
Vanga vave nemakore makumi mashanu nematanhatu, uye vasiya mudzimai nevana vashanu.
Mutauriri weMDC T, VaDouglas Mwonzora, vaudza Studio 7 kuti bato ravo radzidza chidzidzo chikuru kubva pakuradzikwa kwaVaMoyo chekuti vana veZimbabwe vanogona kubatana pakuchemana.
Mutauriri weMDC inotungamirirwa naVaWelshman Ncube, VaNhlanhla Dube, avo vanga vari pakati pemhomho yaonekana nemushakabvu, vatiwo bato ravo raona zvakakosha kuremekedza mushakabvu nekuisa parutivi kusiyana kwemaonero panezvematongerwo enyika.
Mutauriri weZanu PF, VaRugare Gumbo, vatiwo bato ravo rinonzwa hurombo zvikuru nekushaya kwaVaMoyo avo vati vaive munhu ane pfungwa dzakavhurika.
VaGumbo vatenda nhengo dzebato ravo dzaenda kunoviga VaMoyo, vakati pachivanhu chedu afa anaka, zvisineyi nekuti munopikisana munezvematongerwo enyika.