Mudzimai wemumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga wavari kunetsana naye, Muzvare Marry Mubaiwa nhasi vanyimwa zvekare mukana wekubvisa mari yechibatiso.
Muzvare Mubayiwa avo vakatamba kisimusi vari mujeri zvichitevera kutadza kunzwikwa kwechikumbiro chavo mudare repamusoro svondo rapera chekuti vatongwe vachibva kumba, vacharamba vari mujeri kusvika musi wekupedzisira wegore rino zvichitevera mutongo waturwa nedare nhasi.
Musungwa ari kupomerwa mhosva yekuda kuuraya murume wake pamwe nekuburitsa mari kunze kwenyika zvisiri pamutemo.
Kunzwikwa kwechikumbiro ichi kwatadza kuenderera mberi mudare repamusoro zvakare nhasi sezvo gweta rehurumende, VaAlbert Masamha, vaudza dare kuti vanoda kuverenga vonzwisisa zvinyorwa zvinoratidza mafambisirwo akaitwa nyaya iyi mudare ramejasitiriti kana kuti record of proceedings mushure mekunge zvinyorwa izvi zvasvitswa kudare repamusoro nhasi.
VaMasamha vati musungwa ari kupomerwa mhosva dzakakomba nokudaro vanoda nguva yakakwana kuti vanyatsodzamisa pfungwa dzavo sehurumende pachikumbiro chekuti Muzvare Mubaiwa vatongwe vachibva kumba kwavo mushure mekubhadhariswa mari yechibatiso.
Kunyange hazvo gweta remusungwa, VaTaona Nyamakura, vaudza dare kuti kusununguka kwemusungwa chinhu chakakosha zvikuru zvekuti hurumende inofanira kuita chimbichimbi kufambisa mapepa ayo kuitira kuti dare repamusoro rinzwe chikumbiro ichi, mutongi wedare VaWebster Chinamhora, vatura mutongo wekuti nyaya iyi idzoke kudare musi wa31 Zvita. VaChinamhora vakumikidza magweta ehurumende kuti ange asvitsa mhinduro pachikumbiro ichi kudare pamwe nemagweta aMuzvare Mubaiwa nenguva dza11 mangwanani emusi weMuvhuro.
Mutongo waturwa nedare uyu wauyawo mushure mekunge vaudza dare kuti marezeresi emagweta achagumisirawo kushanda musi 31 Zvita sezvo magweta achinyoresa gore rega vachiti kunonoka kunzwikwa kwenyaya iyi vachine rezinesi rehugweta kunogona kuzokanganisa kunzwikwa kwechikumbiro ichi nechimbi chimbi vakamirira kunyoresa patsva segweta sezvinodiwa pamutemo
Mutongi wedare atiwo kunyange hazvo Muzvare Mubaiwa vakatarisana memhosva yekuda kuuraya murume wavo iyo inonzi nemurawo munhu anofanira kukumbira kutongwa achibva kumba kudare repamusoro chete pakatariswa huremu hwemhosva iyi, dare harikwanise kunzwa nyaya iyi iri yega sezvo yakabatanidzwa nedzimwe mhosva dzakatarisana nemusungwa dzekuburitsa mazakwatira emari yekunze kunze kwenyika pamwe nekuita chikiribidi chekuti musungwa asvibise zita remuremu wake anove mutevedzeri wemutungamiri wenyika panguva yaairwara.
VaChinamhora vati magwaro anoratidza mafambisirwo enyaya anotofanira kuvepo musi uchanzwikwa nyaya iyi vachiti zvakare chikumbiro chaMuzvare Mubaiwa chekuti vatongwe chichanzwikwawo neumwe mutongi asiri ivo sezvo vachange vasiri pabasa musi wa31 Zvita.
Vati mutongi achanzwa chikumbiro ichi achazenge achidawo kutarisisa zvinenge zvichisvitswa nemagweta pamusoro pemutongo wakaturwa nedare ramejasitiriti zviri mumagwaro ekufambiswa kwakaitwa nyaya nedare ramejasitiriti.
VaNyamakura vatsinhira zvaturwa nedare zvekupfuudzirwa mberi kwenyaya iyi. Mutongo waturwa nedare nhasi unoreva kuti Muzvare Mubaiwa vanogona kupinda mugoredzva vari muhusungwa kana mutongi achanzwa chikumbiro chavo musi wa31 akasatura mutongo wake pachikumbiro ichi musi iwoyo.
Magweta aMuzvare Mubaiwa akaudza dare ramejasitiriti masvondo maviri adarika kuti musungwa akakanganisika hutano hwake pakaputitswa bhambu kuWhite City Stadium kuBulawayo pamusangano wakaitwa nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nevatsigiri vavo pamberi pesarudzo dzegore rapera.
Muzvare Mubaiwa, avo vari kupomerwa mhosva yekuda kuuraya murume wavo paaiva muchipatara kuSouth Africa muna Chikumi, vanonzi vakabvisa zvaishandiswa nanachiremba muchipatara cheNetcare Hospital kuSouth Africa avo vaiyedza kuraramisa VaChiwenga avo vanonzi vairwara zvakaipisisa.
Muzvare Mubaiwa vanonziwo vakatora zuva rese vachirambidza murume wavo kubuda mune imwe hotera iri kuPretoria muSouth Africa kuti aende kuchipatara.
Mapepa ari pamberi pedare anoti VaChiwenga vakazokwanisa kuenda kuchipatara mushure mekunge vanovachengetedza vashandisa chisimba kuti vakwanise kubuda muhotera iyi vanorapwa kuchipatara cheNetcare ichi.
Muzvare Mubaiwa vari kupomerwa zvakare mhosva yekuburitsa munyika zvisiri pamutemo mari inodarika miriyoni imwe chete nezviuru mazana mapfumbamwe zvemadhora ekuAmerica.
Mapepa ari pamberi pedare anotiwo Muzvare Mubaiwa vakatenga dzimba mbiri nemotokari nhatu dzemhando yepamusoro kuSouth Africa kwakare mushure mekuburitsa mari iyi zvisiri pamutemo.
Vari kupomerwawo zvakare mhosva yekunyepera mukuru wevatongi munyika, kana kuti judge president, VaGeorge Chiweshe, kuti vakange vabvumirana nemurume wavo kuti vachate iye murume wavo ari muchipatara asiri kuziva zviri kuitika.
Vachuchisi venyaya iyi vanoti kunyepa kwavakaita kuna VaChiweshe kwakakonzera kuti mukuru wemamejasitiriti, VaMunamato Mutevedzi, varonge kuchatisa vaviri pamuchato usina kuzobudirira.
Asi Muzvare Mubaiwa vari kuramba mhosva dzavari kupomerwa.
Mumagwaro ekupikisa nyaya dzavari kupomerwa, Muzvare Mubaiwa vanoti kana chiri chokwadi kuti vaida kuuraya murume wavo, seyi mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakavapa mari inoita zviuru makumi matatu zvemadhora ekuAmerica kuitira kuti vaende kuChina kunoona murume wavo.
Muzvare Mubaiwa vanoti VaMnangagwa vakavapa mari iyi mushure mekunge vaudzwa naVaChiwenga kuti vaite izvi.
VaChiwenga vakazodzoka munyika masvondo mashoma adarika mushure mekuzoendeswa kuChina uko kwavakazopedzisira kurapwa. VaChiwenga vakazokonzeresa kusungwa kwemudzimai wavo pavakadzoka munyika uye vakatokwira kudare repamusoro vachida kuti vagovaniswe pfuma yavo nemudzimai wavo.
Zvichakadai, dare ramejasitiriti rakati Muzvare Mubaiwa vadzoke kudare musi wa30 Zvita pakatarisirwa kuenderera mberi kutongwa kwenyaya dzavo.
Facebook Forum