Accessibility links

Breaking News

Dare Rotadza Kunzwa Nyaya Iri Kupomerwa VaJob Sikhala Yavari Kuramba Yekuda Kupidigura Hurumende


VaJob Sikhala
VaJob Sikhala

Kutongwa kwemutevedzeri wasachigaro webato reMDC inotungamirwa naVa Nelson Chamisa, VaJob Sikhala, avo vari kupomerwa mhosva yekuda kubvisa nechisimba mutungamiriri wenyika VaEmmerson Mnangagwa, kwatadza kutanga nhasi zvichinzi mutongi wedare repamusoro reMasvingo anofaniraa kutonga nyaya iyi ange asipo. Asi VaSikhala vanoti mashok aya ndeemugotsi matsuro.

Gweta raVaSikhala, VaJeremiah Bamu, vaudza vatori venhau kuti mutongi wenyaya iyi VaGarainesu Mawadze vari kutarisirwa kuzonwa nyaya iyi musi wa3 Kukadzi apo vanenge vadzoka kubasa.

Hurumende inoti mumwedzi waChikumi gore rapera, VaSikhala , vakaudza vatsigiri vebato ravo kuBikita kuti vanoda kubvisa VaMnangwagwa nechisimba sarudzo dza2023 dzisati dzasvika. Vatsigiri veMDC vakawanda zvikuru vange vauya kudare iri.

Mune imwewo nyaya, vamwe vemasangano anorwira kodzero dzevanhu nhasi yashoropodza hurumende pamwe nebato reZanu PF nekuda kuvandudza bumbiro remutemo renyika nechimbichimbi risati ratanga kunyatsoshanda kwemakore akawanda.

Vemasangano aya vanoti chinagwa ndechekuda kupa mutungamiri wenyika masimba akawandisa.

Amai Nyunyutai Mudzingwa, vesangano rinomiririra vasingaoni reZimbabwe Association of Visually Handicapped, vanoti kuvandudzwa kwe bumbiro hakusi kubva muzvido zvevanhu.

Dare re makurukota enyika, rakatambira kuti bumbiro remitemo rivandudze muzvikamu zvinosvika gumi nezvina, zvizhinji zvichiwedzera mutungamiriri wenyika masimba.

Zvimwe zvikamu zvisiri kuwirirana ne vemasangano aya zvinosanganisiri chikamu 161 chinoda kupa simba ku sangano rinoitisa sarudzo munyika re Zimbabwe Electoral Commission(ZEC), kuti ritare miganhu yenzvimbo dzino vhoterera izvi zvaiitwa ne bazi re ZimStart rinoverenga vanhu makore gumi oga oga munyika.

Amai Lucia Masekesa munyori we Nango muMasvingo, vanoti vanhu havavimbi neZEC saka ikapihwa simba iri zvinogona kukanganisa sarudzo munyika.

Asi mutauriri weZanu PF muMasvingo, VaRonald Ndava, vanoti hapana chakaipa pakuvandudzwa kwebumbiro remutemo nebato rakakunda musarudzo zvine mutsindo.

Bhiri re kuvandudza mutemo rinonzi nevanopikisa riri kuda kupa mutungamiriri wenyika simba rekusarudza vatevedzeri vake pasina kuvhotererwa, uye kudoma vakuru vevachuchisi nekuwedzera makore epabasa evatongi vematare edzimhosva.

Gurukota rezvemitemo VaZiyambi Zimbai vanoti hapana chakaipa kuita izvi. Asi vanopikisa vanoti uku kuda kungopa masimba akawandisa kumutungamiri wenyika izvi zvakarambwa nevanhu pavakavhotera bumbiro iri muna 2013.

Nyaya Ina Godfree Mtimba
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda



Facebook Forum

XS
SM
MD
LG