Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Vomirira Kunzwa Mutongo paNyaya yaVaMalaba


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nemutongi mukuru wematare VaLuke Malaba.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nemutongi mukuru wematare VaLuke Malaba.

Dare repamusoro harisati ratara zuva rekuti nyaya iri kupomerwa vaive mutongi mukuru wematare edzimhosva, VaLuke Malaba, yekuzvidza dare itange kunzwikwa.

Kana izvi zvaitwa vakaendeswa kumatare vanokwanisa kupa mhinduro yavo.

Nemusi weChipiri mukuru weZimbabwe Human Rights NGO Forum, Doctor Musa Kika, vakatura mapepa kudare iri vachiti VaMalaba vanofanira kuendeswa kuChikurubi nekutorerwa mamwe matanho kana vakaramba vachienda kubasa mushure mekunge dare repamusoro rapa mutongo wekuvamanikidza kuenda pamudyandigere.

VaKika vanoti VaMalaba vanogona kukanganisa vamwe vatongi vari kudare vanogna kutonga nyaya dzavari kupomerwa.

Asi munyori weJudicial Service Commision, JSC, VaWalter Chikwanha, vaudza bepanhau reHerald kuti VaMalaba pavakangopikisa mutongo wedare repamusoro wakabva wambosendekwa parutivi.

Dare repamusoro rakapa mutongo wekuti VaMalaba vamanikidzwe kusiya basa sezvo rakati kuvandudzwa kwebumbiro remitemo kuti varambe vari pabasa kusvika pamakore makumi manomwe nemashanu kwaityora bumbiro remutemo.

VaMalaba vaifanira kusiya basa vave nemakore makumi manomwe.

VaKika nevesangano reYoung Lawyers Association of Zimbabwe vanoti kuvandudzwa kwebumbiro remitemo hakufanire kuti VaMalaba vawane chouviri pazviri uye kana izvi zvichida kuitwa panofanira kuvhotwa kana kuti kuitwa referendamu.

Vamwe vakaendeswa kumatare naVaMalaba igurukota rezvemitemo, VaZiyambi Ziyambi, vainge vakafanobata chigaro chemutongi mukuru wematare Amai Elizabeth Gwaunza uye JSC.

Hatina kukwanisa kubata VaZiyambi kana VaChikwana sezvo nharembozha dzavo dzange dzisiri kudairwa.

Asi gweta rinombomirira mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa, VaTinomudaishe Chinyoka, vanoti VaMalaba vanokwanisa kuenda kubasa vasingatonge nyaya asi kuita mamwe mabasa emuhofisi kana kupedzisa mimwe mitongo yavakaita kare.

Hurukuro naVaTinomudaishe Chinyoka
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi gweta vari mukuru wesangano rinorwira kodzero dzevanhu reZimrights VaDzikamai Bere vanoti zviri pachena kuti VaMalaba vakazvidza dare uye maitiro avo ave kusvibisa chimiro chematare.

Hurukuro naVaTinomudaishe Chinyoka
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG