Accessibility links

Breaking News

Dare Rinoti Mudzviti weMasvingo Haana Simba reKumisa Basa Sangano reCOTRAD


Dare reHigh Court Zimbabwe
Dare reHigh Court Zimbabwe

Dare repamusoro reHigh Court nhasi rasendeka parutivi kumiswa basa kwakaitwa sangano rinorwira kodzero dzevanhu muMasvingo reCommunity Tolerance and Reconciliation Development Trust kana kuti COTRAD.

Mutongi wedare repamusoro Amai Loice Matanda Moyo vatura mutongo wavo nhasi vachisendeka parutivi danho raMudzviti wekuMasvingo VaRay Hove rekumbomisa kushanda kweCotrad mudunhu iri kwakaitwa vhiki rapera.

Gweta reCOTRAD, VaDenford Halimani, avo vanoshanda nesangano remagweta anorwira kodzero dzevanhu reZimbabwe Lawyers for Human Rights, vaudza Studio 7 kuti dare rasendeka parutivi kumiswa kwemabasa eCotrad sezvo zvanga zvisina kutsigirwa nemutemo.

Dare ratiwo mudzviti VaHove vanofanirwa kubhadharawo mari yemagweta eCOTRAD akavaendesa kumatare.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano reCotrad VaZivanai Muzorodzi vati vafadzwa zvikuru nemutongo wedare uye vave kunofambisa mabasa avo.

Mukuru weCotrad VaGamuchirai Mukura vatiwo kumiswa kuita mabasa kwavakaitwa musi wa11 Kurume kwanga kwatovadzorera kumashure.

Pakamiswa sangano iri kuita mabasa havana zvikonzero zvavakapiwa kusara kwekuti vaiferefetewa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG