Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeMDC-T Dzinonyimwa Mukana weKubvisa Mari yeChibatiso


Dare repamusoro raramba kuti nhengo dzeMDC-T makumi maviri nepfumbamwe dziri kupomerwa mhosva yekuponda mupurisa mumusha weGlen View muHarare gore rapera dziburitswe muhusungwa mushure mekubhadhara mari yechibatiso.

Vachipa mutingo wavo pachikumbiro chevasungwa ava, mutongi wedare repamusoro, VaChinembiri Bhunu, vati vasungwa ava vakatadza kugutsa dare pachikumbiro chavo. Vatiwo vasungwa ava vaifanirwa kunge vakauyisa zvapupu zvinopupura kuti vanhu ava vakanga vasiri panzvimbo yakapondwa Inspector Petros Matedza.

Va Bhunu vashorawo rimwe remagweta, Va Charles Kwaramba, nekushora kwavakaita matare mumapenhau vachiti vasungwa ava vakanga vasiri kutongwa zvakanaka kubudikidza nekunyimwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso nepamusana pekuti inhengo dzeMDC asi mapurisa akaponda munhu kuShamva akapihwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso.

Va Bhunu vati matare ari kushanda zvakanaka asingapinze zvematongerwo enyika mukati vachiti vakuru-vakuru muMDC, vanosanganisira mutungamiri webato iri, VaMorgan Tsvangirai, mubati wehomwe mubato iri, Va Roy Bennett, pamwe nemutedzeri wavo, VaElton Mangoma, vakawanikwa vasina mhosva nematare.

Mushure memutongo uyu, gweta rehurumende panyaya iyi, VaEdmore Nyazamba, vakumbira dare kuti riende kubhawa rekwaMunyarari kuGlen View kwakaitikira nyaya iyi uye vakumbirawo kuti vafakazi vakapa humbowo kudare vange varikowo nemusi weChina.

Rimwe remagweta evasungwa ava, Amai Beatrice Mtetwa, varamba kuti nyaya iyi isadzoke mudare neChitatu sezvanga zvichidiwa naVaNyazamba vachiti kutongwa kwevasungwa ava kunofanirwa kufambiswa nechimbichimbi sezvo vasungwa ava vari mujeri.

Mutongi wedare ati nyaya iyi idzoke mudare apo Amai Mtetwa vakatarisirwa kuenderera mberi nekubvunzurudza mufakazi wechitanhatu panyaya iyi, Va Spencer Nyararai, avo vanove mumwe wevakuru vemapurisa epakamba yeGlen View.

Mune imwewo nyaya dzemumatare, chikwata chaizviti ndicho chine mvumo yekutungamira sangano revashandi reZCTU, chinotungamirirwa naVaLovemore Matombo, chinoti chicharamba chichishandisa zita rekuti ZCTU, kunyange hazvo dare repamusorosoro rakatonga neMuvhuro kuti chikwata ichi chisashandisa zita iri pamwe nemidziyo yesangano iri.

Mutauriri wechikwata chaVaMatombo ichi, VaRaymond Majongwe, vati kuramba vachishandisa zita iri hakusi kuti vari kuzvidza mutongo wedare, asi kuti vari kutevera zvido zvenhengo dzavo.

Chikwata chaVaMatombo chakakwira kumatare gore rapera chichida kuti arase zvakabuda pamusangano wekongiresi yakasarudza VaGeorge Nkiwane semutungamiri wesangano revashandi iri, wakaitwa muna Nyamavhuvhu wegore rapera.

Ukuwo chikwata chaVaNkiwane chakakwirawo kumatare chichida kuti chimise chikwata chaVaMatombo kuitawo musangano wacho wekongiresi, uyo wakaitwa muna Zvita, uye kuzviti ndicho chiri kumirira zvido zveZCTU.

Nyaya yakakwidzwa nechikwata chaVaMatombo ichiri mudare repamusoro.

Asi munyori mukuru weZCTU, VaJaphet Moyo, vanoti vanotambira nemufaro zvakabuda mudare reSupreme Court neMuvhuro, vachiti zvasarira kuna VaMatombo nevamwe vavo kuti vatevere mutongo wedare uyu.

Nyanzvi munyaya dzemitemo uye vari sachigaro weNational Constitutional Assembly, VaLovemore Madhuku, vanotiwo mutongo uyu unoreva kuti chikwata chaVaMatombo chaifanira kutanga chamirira zvichabuda kumatare panyaya yachakakwidza, chisati chatanga kuzviti ndicho ZCTU.

XS
SM
MD
LG