Accessibility links

Breaking News

Dare reSouth Africa Rokurudzira Kuferefetwa kweVatyori veKodzero muZimbabwe


Dare repamusoro remuSouth Africa mudunhu reNorth Gauteng muPretoria rapa mutongo unosungira nyika iyi kuongorora zviri pamutemo vatungamiri vehurumende yeZimbabwe mhosva dzavari kupomerwa dzekutyora kodzero dzevanhu panguva yakaitwa sarudzo dzemuna 2008.

Vachipa mutongo wavo neChipiri, mutongi wedare iri, Amai Hans Fabricius, vati hurumende yeSouth Africa inosungirwa nemitemo yepasi rose kuti iongorore mhosva dzinenge dzaunzwa mumatare enyika iyi nezvizvarwa zvedzimwe nyika.

Izvi zvinoreva kuti vakuru vemuZimbabwe vari kupomerwa mhosva yekutyora kodzero dzevanhu vanogona kusungwa pavanosvika muSouth Africa, kunyange hazvo paine zvipingaidzo zvemitemo yepasi rose zvinotadzisa nyika kusunga vanenge vari mudzihurumende pasi pemitemo yeUnited Nations.

Zvichitevera mutongo uyu, sangano reZimbabwe Exiles Forum, rinonzi raendesa kuvachuchisi vemuSouth Africa, mazita gumi nemasere evatungamiri veZanu-PF, mapurisa nevasori vari kupomerwa mhosva yekutyora kodzero dzevanhu muZimbabwe.

Mukuru weZimbabwe Exiles Forum, VaGabriel Shumba, vati havakwanisi kuburitsa mazita evanhu ava vachiti kungava kungwadza nyamukuta kuzvara uchada. VShumba vati mutongo wematare emuSouth Africa uchamisa muitiro wemuZimbabwe wekuti vane mhosva hapana zvavanoitwa.

Nyaya iyi yakakwidzwa mudare neZimbabwe Exiles Forum ichibatsirwa neSouthern Africa Litigation Centre.

Amai Fabricius vati sangano revachuchusi kana kuti National Prosecuting Authority nemapurisa emuSouth Africa, vanofanira kuongorora nyaya dzekutyorwa kwekodzero dzevanhu muZimbabwe uye kutadza kuita izvi vanenge vachityora bumbiro remitemo yemuSouth Africa.

MuSouth Africa mune zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda zvimwe zvacho zviri muhupoteri nenyaya yekutochwa kwazvakaitwa nevanofungidzirwa kuti ndevebato reZanu-PF.

Kunyange hazvo Zimbabwe yakaramba kuisa runyoro rwayo pachibvumirano cheInternational Criminal Court, kana kuti ICC, South Africa ndiyo nyika yekutanga muAfrica kuita izvi.

Vachuchusi vemuSouth Africa vainge vamboramba kuita nyaya dzeZimbabwe vachiti havana simba uye zvinodhurira hurumende.

Muchuchisi mukuru wenyika, VaJohannes Tomana, vaudza Studio7 kuti mutongo uyu hauna nematuro ose.

Asi mutevedzeri wegurukota rezvemitemo, VaObert Gutu veMDC-T, vanoti zvaitwa nematare emu South Africa, zvakakosha sezvo zvichiratidza kuti dzimwe nyika hadzitambire kutyorwa kwekodzero dzevanhu, zvikuru zvichiitwa nevanhu vanenge vari muhurumende.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika nemitemo hadzisi kuwirirana pazvinorehwa nemutongo uyu.

Vamwe vanoti South Africa ikada kutevedzera zvisungo zvedare iri, zvichapa kuti zvinhu zviite manyama amire nerongo munyika sezvo South Africa iri mutongi gava panyaya yeZimbabwe.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu, uye vachishanda neZimbabwe Lawyers for Human Rights, VaDzimbabwe Chimbga, vanoti mutongo uyu unoshanda uye wakakosha zvikuru mukurwira kodzero dzevanhu.

Imwe nyanzvi munyaya dzemitemo, uye vachidzidzisa paUniversity of Zimbabwe, Professor Lovemore Madhuku, vanova zvakare sachigaro weNational Constitutional Assembly, vanoti mutongo uyu kupedzera hoko padehwe retsindi.

XS
SM
MD
LG