Accessibility links

Breaking News

Dare reSenate muAmerica Roenderera Mberi Richinzwa Nyaya Iri Kupomerwa VaTrump


Mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump
Mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump

Dare reSenate riri kuenderera mberi richinzwa mhosva dziri kupomerwa mutungamiri wenyika yeAmerica, VaDonald Trump, dzekushandisa masimba avo zviri kunze kwemutemo uye kuda kuvhiringidza dare reCongress kuferefeta nyaya iyi.

Vari kupomerwa mhosva yekuda kushandisa mari yainge yanzi nedare reHouse of Representatives iende kuUkraine kunotenga zvombo kuti vamanikidze nyika iyi kuti itange yaongorora huori hunonzi hwakaitwa naHunter Biden, mwanakomana wevaive mutevedzeri wemutungamiri wenyika yeAmerica, VaJoe Biden.

VaBiden vari kutarisirwa kukwikwidzana naVaTrump musarudzo yemutungamiri wenyika gore rino, ndokana vakunda musarudzo yekutsvaga achamirira bato reDemocratic Party musarudzo yemutungamiri wenyika..

VaTrump vari kupomerwa imwe mhosva yekuda kukanganisa dare reHouse of Representatives mukuongorora nyaya dzavari kupomerwa nekurambidza vanhu kuti vasape huchapupu uye kuviga magwaro akakosha panyaya iyi.

Kubva neChipiri kusvika mangwanani emusi weChitatu, maDemocrats akapedza maawa gumi nematatu achiyedza kuti vedare reSenate ridaidze zvapupu uye kukumbira magwaro avanoti anobatsira mukuburitsa pachena kuti VaTrump vakatyora mutemo.

Asi vebato reRepublican Party vakaramba kutambira izvi uye zvido zvavo ndizvo zvakatambirwa sezvo vaine nhengo makumi mashanu nenhatu uku maDemocrats vaine nhengo makumi mana nenomwe chete.

Kutanga Chitatu kusvika musi weChishanu, vari kuchuchisa nyaya iyi vakamirira maDemocrats vachange vachipa zvikonzero zvavo zvekuti sei VaTrump vachifanira kusiya basa nemhosva dzavari kuvapomera dzekutyora bumbiro remitemo yenyika.

Magweta aVaTrump ari kutarisirwa kutanga kupawo divi ravo kutanga nemusi weMugovera.

Mutevedzeri wasachigaro weMDC muAmerica, VaZvidzai Ruzvidzo, vanoti semaonero avo zvakakosha kuti dare reSenate ripihwe humbowo nezvapupu kuti ritonge nyaya zvakanaka.

Hurukuro naVaZvidzai Ruzvidzo
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

VaTrump vari kutarisirwa kudzoka munyika vachibva kumusangano weWorld Economic Forum kuDavos uye vanoti padandemutande ravo reTwitter maDemocrats ari kuda kuvazodza mafuta enguruve yavasina kudya.

Munhoroondo yeAmerica, vatungamiri vaviri chete ndivo vakapomerwa mhosva yekutyora mutemo vakaendeswa kudare reSenate sezviri kuitwa VaTrump. Vaviri ava ndi VaAndrew Johnson muna 1868 uye VaBill Clinton muna 1998.

VaJohnson naVaClinton vakazochenurwa nedare reSenate asi mapato avo akaenda kunokundwa musarudzo yemutungamiri wenyika yakatevera mushure menyaya dzavaipomerwa.

VaRichard Nixon vakambopomerwa mhosva iyi muna 1974 vakabva vasiya basa nyaya iyi isati yaenda kunotongwa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG