Accessibility links

Breaking News

Paramende Yoronga Kuvandudza Mutemo wePOSA


Dare reparamende ragara neChipiri kekutanga mugore rino, rikatanga nekuverenga bhiri rekuvandudza zvimwe zvikamu zvemutemo wePublic Order and Security Act, POSA.

Zvikamu zviri kuda kuvandudzwa ndezvinopa mapurisa masimba ekurambidza vanhu kuungana, uye kumanikidza vanhu kufamba vaine zvitupa.

Mutemo wePOSA wakaunzwa nehurumende yeZanu-PF muna 2002 pamwe chete nemutemo we Access to Information and Protection of Privacy Act, kana kuti AIPPA. Izvi zvakaitwa apo mumiriri weTsholotsho mudare reparamende, VaJonathan Moyo, vakanga vari gurukota rezvekuburitswa kwemashoko.

Mitemo miviri iyi inozivikanwa nekudzvanyirira kodzero dzevanhu munyika, kusanganisira vanyori nevanotsigira bato re MDC.

Bhiri rekuvandudza mutemo we POSA rakaunzwa kudare nemukokeri wenhengo dzeparamende mu MDC inotungamirwa naVa Morgan Tsvangirai, Va Innocent Gonese. Va Gonese vanoti vane chivimbo chekuti dare reparamende richabatana mukuvandudza zvimwe zvikamu zvePOSA.

XS
SM
MD
LG