Accessibility links

Breaking News

Dare rePamusoro Soro Rozeya Gakava Pakati paVaChamisa naAmai Khupe


Amai Khupe naVaChamisa

Dare repamusoro-soro reSupreme Court nhasi ranzwa chikumbiro chemutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa, chekuti mutongo wakaturwa nedare repamusoro reHigh Court wekuti kusarudzwa kwavo semutungamiri webato ravo hakuna kufambiswa zvakanaka usendekwe parutivi.

Vachisvitsa chikumbiro chavo kudare, gweta raVaChamisa, Advocate Thabani Mpofu, vati mutongo wedare reHigh Court unofanira kusendekwa parutivi vachiti harisi basa rematare kusarudzira bato rezvematongerwo enyika hutungamiri.

VaMpofu vaudza dare kuti komiti yepamusoro-soro muMDC pakati pemakongiresi yeNational Council yakatora danho rekugadza VaChamisa semutungamiri weMDC zvichitevera kufa kwavaimbova mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai.

VaMpofu vati komiti iyi ndiyo ine masimba ekuita izvi ndokusaka zvakaitwa uye vati VaChamisa naVaElias Mudzuri vakagadzwa naVaTsvangirai sevatevedzeri kunyangwe zvazvo paiva naMuzvare Thokozani Khupe zvichiitwa VaTsvangirai vachishandisa masimba avaive nawo ari mubumbiro reMDC.

Zvataurwa naVaMpofu zvatsinhirwa nemunyori anoona nezvesarudzo muMDC yaVaChamisa, VaJacob Mafume, avo vanga vari mudare.

Gweta riri kumiririra Muzvare Khupe panyaya iyi, VaLovemore Madhuku, vaudzawo dare kuti pasi pebumbiro remitemo reMDC hazvikwanisike kuti pave nevatevedzeri vemutungamiri webato vaviri kana vatatu sezvo vachiti bumbiro iri riri pachena kuti panofanira kunge paine mutevedzeri wemutungamiri webato mumwechete.

VaMadhuku vati Muzvare Khupe ndivo vaifanira kufanobata chigaro chemutungamiri weMDC pakamirirwa kuitwa kongiresi yechimbichimbi yekutsvaga mutungamiri webato zvichitevera kufa kwakaita VaTsvangirai. VaMadhuku vaenderera mberi vachiti kudomwa kwaVaChamisa naVaMudzuri kuti vave vatevedzeri vaVaTsvangirai kwaive kunze kwemutemo.

Vaenderera mberi kudaidzirwa kwaitwa musangano weNational Council wakagadza VaChamisa semutungamiri webato kwaiva kunze kwemutemo sezvo vachiti bumbiro reMDC riri pachena kuti misangano yechimbichimbi yekomiti iyi inokwanisa kushevedzerwa nemutungamiri webato chete kana mutevedzeri wake.

Zvichakadai, dare reSupreme Court iro range riine vatongi vatatu vanoti VaPaddington Garwe, Amai Antonia Guvava naVaBharat Patel, rati richazotura mutongo waro muzuva rarisina kutara.

Nyaya iyi isati yapinda mudare, mapurisa anorwisa mhirizhonga ayo anga akapakatira zvombo arambidza vatsigiri veMDC vanga vauya kuzonzwa nyaya iyi kupinda mudare ndokuvadzinga pamatare apa izvo zvashorwa nemumwe wevatevedzeri vaVaChamisa, Amai Lynette Karenyi Kore.

Nyaya iyi yakaunzwa kumatare neimwe nhengo yeMDC yekuGokwe, VaElias Mashavira, avo vaiti VaChamisa havana kusarudzwa kuti vatungamire bato zviri pachena izvo zvakatambirwa nedare High Court. Asi VaChamisa vakazokwidza nyaya iyi kudare reSuupreme Court vachiti mutongo wedare reHigh Court unofanira kusendekwa parutivi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG