Accessibility links

Breaking News

Dare rePamusoro Rinoti VaChin’ono Havana Mhosva


VaHopewell Chin’ono In Court

Dare repamusoro reHigh Court neMuvhuro rakarasa nyaya yanga ichipomerwa mutori wenhau anoshanda akazvimirira Hopewell Chin’ono yekunzi akakakurudzira veruzhinji kuti varatdzire zvine mhirizhonga mukati gore rapera.

Mutongi wedare repamusoro, Justice Siyabonga Musithu, vakatura mutongo wekuti Chin’ono haachafanire kutongwa nemhosva yekunzi akakurudzira veruzhinji kuti vaite zvemhirizhonga. VaMusithu vakati mutongo wemutongi wedare remejasitiriti, Amai Vongai Muchuchuti-Guwuriro, wekuti Chin’ono aenderere mberi nekutongwa nemhosva yaanga achipomerwa usendekwe parutivi vachiti vachuchisi venyaya iyi vakatadza kugutsa dare ravo kuti pane mhosva yakaparwa naChin’ono paanonzi akashandisa dandemutande rake reTwitter gore rapera kukurudzira veruzhinji kuti varatidzire zvine mhirizhonga mukati.

Amai Guwuriro vakanga vatura mutongo uyu zvichitevera chikumbiro chakanga chasvitswa kudare nemagweta aChin’ono achiti mapepa akasvitswa pamberi pedare nevachuchisi anga asingaburitse pachena kuti ndepapi pakurudzirwa kuratidzira zvinemhirizhonga naChin’ono pane zvaanonzi akanyora padandemutande rake reTwitter zvakazoita kuti Chin’ono akwire kudare repamusoro.

Hurumende yanga ichiti Chin’ono akapara mhosva iyi paakakurudzira veruzhinji kuti vaende kunoratidzira musi waChikunguru 31 gore rapera pakanga pashevedzerwa kuratidzira nesangano reJuly 31stMovement iro rinotungamirwa naVaJacob Ngarivhume mutungamiri webato rinopikisa reTransform Zimbabwe..

Rimwe remagweta aChin’ono, VaDoug Coltart, vatenda kuti izvi ndizvo zvaturwa nedare. VaColtart vatiwo vafara zvikuru nemutongo waturwa nedare.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaJoy Mabenge, vatiwo mutemo wakashandiswa mukupomera Chin’ono mhosva mutongo uri kushandiswa kutsikirira vanopikisa hurumende pamwe nevanorwira kodzero dzevanhu.

Vamwe vakambosungwa nemutemo uyu vanosanganisira VaNgarivhume, mutevedzeri wasachigaro weMDC Alliance, VaJob Sikhala, mutauriri weMDC Alliance, Muzvare Fadzai Mahere pamwe nenhengo yeboka revechidiki muMDC Alliance, VaMakomborero Haruzivishe.

VaHaruzivishe vari mujeri parizvino uye vari kupikisa kubatwa kwavakaitwa nemhosva pamwe mutongo wavakapahwa wekugara mujeri kwemwedzi gumi nemina mushure mekunzi vakanga vakurudzira veruzhinji kuita zvemhirizhonga.

VaMabenge vati mitemo haifanire kushandiswa ichitariswa kuti munhu abuda mumba maani. VaMabenge vakurudzirawo kuti mutemo uyu usendekwe parutivi.

Chin’ono, uyo akagara mujeri kwemazuva makumi mana nemashanu gore rapera zvichitevera kusungwa kwaakaitwa nenyaya iyi, achine imwe nyaya mumatare yekuvhiringidza mafambisirwo enyaya mumatare kubudikidza nezvaanonzi akanyora padandemutande rake reTwitter pakasungwa mutungamiri wesangano reZimbabwe Miners Federation. Muzvare Henrietta Rushwaya, nenyaya yekunzi vakabatwa panhandare yendege yeRobert Gabriel Mugabe International Airport vachida kubuda negoridhe rairema makirogiramu matanhatu vachida kuenda naro kuDubai.

Mune imwewo nyaya yanga iri mumatare, mufundisi wesvondo yeGoodness and Mercy Ministries, “Prophet” Tapiwa Freddy avo vanozivikamwa zvikuru nezita rekuti Prophet T Freddy, vaziviswa nedare ramejasitiriti kuti kutongwa kwavo kuchatanga musi waNdira 6 pamhosva yavari kupomerwa yekubata chibharo mutori wenhau weZBC, . Izvi zvinotevera kuziviswa kwaitwa dare nevachuchisi venyaya iyi kuti hurumende yapedza kuferefeta kwayanga ichiita nyaya iyi.

“Muporofita” To Freddy, avo vari kuramba mhosva yavari kupomerwa iyi, vanonzi vakabata chibharo mutori wenhau uyu, uyo akaremara, kumba kwake kuMt Pleasant mushure mekunge vamutsvetsva akaramba uye vanonzi vakamutyisidzira kuti vaizomuzadza mweya yetsvina kana akaramba kudanana navo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG