Accessibility links

Breaking News

Dare rePamusoro Rinoti Madzishe Asapindire muNyaya dzezvematongerwo eNyika


Dare repamusoro rinoti madzishe ose munyika haafanire kupindira mune zvematongerwo enyika pamberi pesarudzo dzegore rino richiti kuita izvi kunotyora bumbiro remitemo.

Nekune rumwe rutivi, vasingaone vanonzi vakwidza komisheni inowona nezvesarudzo kumatare vachida kuti mapepa ekuvhotera ange aine runyoro rwemapundu rwunoshandiswa nevasingaone kana kuti braille.


Mutongi wedare repamusoro rekuMasvingo, VaGarainesu Mawadze, vakatura mutongo nezuro wekuti madzishe ose emunyika ari mazana maviri ane makumi masere nevaviri haafanirwe kupindira mune zvematongerwo enyika pamberi pesarudzo dzegore rino munyaya yakakwidzwa kudare iri nemutungamiri webato reRenewal Democrats of Zimbabwe, VaElton Mangoma, avo vakadomwa kuti vakwikwidze musarudzo dzemutungamiri wenyika nemubatanidzwa wemapato ari muCoalition of Democrats kana kuti CODE.

Mumutongo wavo, VaMawadze vakati madzishe haafanire kuve nedivi raanorerekera sezvo vachimirira vanhu vane miwono yakasiyana-siyana mune zvematongerwo enyika mumatunhu.

VaMawadze vakati kupindira kwemadzishe munyaya dzezvematongerwo enyika kunotyora zviri mubumbiro remitemo yenyika iro rinotaura kuti madzishe haafanire kuita zvematongerwo.

VaMawadze vakati kana madzishe akapindira munyaya dzematongerwo enyika zvinoita kuti sarudzo dzisave pachena sezvo vachiti zvinopa kuti vanhu vanenge vari pasi pemadzishe aya vatye kuvhotera vatungamiri vavanenge vachida.

VaMangoma vanoti vari kufara zvikuru nemutongo wakaturwa nedare repamusoro uyu.

Mapato anopikisa anogara achichema pose panoitwa sarudzo dzenyika nemadzishe anopindira munyaya dzezvematongerwo enyika achitsigira bato riri kutonga reZanu PF.

Zvichakadai, mutungamiri wesangano reElection Resource Centre, VaTawanda Chimhini, vanoti zvakakosha kuti madzishe atevedzere zvaturwa nedare.

Mune imwe nyaya ine chekuita nesarudzo, vasingaone vakwidzawo komisheni inoona nezvesarudzo yeZimbabwe Electoral Commission kumatare edzimhosva vachida kuti mapepa ekuvhotera, kana kuti ma ballot paper, ave nerunyoro rwemapundu rwunoshandiswa mukuverenga nevanhu vasingaoni, kana kuti braille, kuitira kuti vakwanise kuvhota vasingabatsirwe musarudzo dzegore rino.

Mutauriri wesangano remagweta anorwira kodzero dzevanhu reZimbabwe Lawyers for Human Rights, iro riri kumiririra vasingaoni ava munyaya iyi, VaKumbirai Mafunda, vanoti zvakakosha kuti vasingaone vapihwe zvikwanisiro zvinoita kuti vasazivikanwe kuti vavhotera papi.

Zvichakadai, sachigaro weZEC, Amai Prisicilla Chigumba, vakaudza vemapato ezvematongerwo enyika pamusangano wavakaita navo svondo rapera kuti komisheni yavo inoda chaizvo kuti vasingaoni vashandise mapepa ekuvhotera ane runyoro rwemapundu pakuvhota musarudzo dzegore rino asi vanoti izvi hazvisi kukwanisika musarudzo dzegore rino sezvo vachiti homwe yekomisheni yavo yakabooka.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG