Accessibility links

Breaking News

Dare reMakurukota Rotadza Kusangana Sezvo VaMugabe Vange Vasipo


Dare remakurukota range richifanirwa kusangana neChipiri, harina kuzosangana sezvo mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vange vari kumusangano weAfrican Union kuEthopia.

Kunyange hazvo pasina mutemo unotadzisa dare remakurukota kugara kana VaMugabe vasipo, chava chigariro musoro weshuro kushaya nyaya kuti pose panobuda VaMugabe munyika, dare remakurukota harigari. Izvi zvinoreva kuti zvinhu zvakawanda zvinofanirwa kunge zvichikurukurwa nedare, zvimbomiswa kudzamara vamugabe vadzoka munyika.

Dare iri rava kutarisirwa kuitwa neChitatu. Ukuwo mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vanonziwo vari kuJapan uko vakaenda kunoyedza kutsvaga vekunze vanoda kuuya kuzotanga mabhizimisi munyika. Asi kusavepo kwaVaTsvangirai hakutadzise kuitwa kwedare remakurukota.

XS
SM
MD
LG