Accessibility links

Breaking News

Dare reMakurukota Romisa Mirawo yeKupa Hupfumi Kuvatema


Dare remakurukota rinonzi rakawirirana kumbomisa mirau yekufambiswa kwechirongwa chekuendeswa kwehupfumi kuvatema, kana kuti Indiginization Regulations, kudzamara hurumende yawirirana pamafambisirwo echirongwa ichi.

Gurukota rezvekurongwa kwehupfumi, VaElton Mangoma, vanoti dare remakurukota rakawirirana kuti mirawu iri kushandiswa negurukota rezvekuendeswa kwehupfumi kuvatema, VaSaviour Kasukuwere, inofanira kuvandudzwa.

Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vainge vati mirawu yakaitwa naVaKasukuwere, yakaitwa nerweseri pasina kusuma dare remakurukota.

Asi VaKasukuwere vanoti kunyange dare remakurukota rakabuda nechisungo ichi vari kuenderera mberi nehurongwa hwawo hwekupa vanhu vatema hupfumi.

Izvi zvatsigirwa nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, avo vatiwo havasi kuzodzokera shure nechirongwa chekuendesa hupfumi kuvatema. VaMugabe vati ichokwadi kuti dare remakurukota rakawirirana kuti mirawu iyi imbowongororwa, asi hazvirevi kudzokera shure.

Zvichakadaro, komiti yedare reparamende yezvemitemo inoti yabvisa mutemo unosungira kuti makambani angoendese hupfumi kuvatema pasina muripo. Nhengo yekomiti yeparamende inoona nezvemitemo, Senator Obert Gutu, vanoti hapachina nyaya yekuti vanhu vangotora makambani pasina mubhadharo.

XS
SM
MD
LG