Accessibility links

Breaking News

Dare reMakurukota Rinonzi Harisati Razeya Mafiro aVaMujuru


Dare remakurukota rinonzi harisati razeya nyaya yekufa kwevaimbove mukuru wemauto, uye vari murume wemumwe wevatevedzeri vemutungamiri wenyika, Amai Joice Mujuru, VaSolomon Mujuru, avo vakavigwa segamba renyika kuHeroes Acre muHarare neMugovera.

VaMujuru vakafa mushure mekutsva nemoto mumba yavo yekupurazi ravo rekuBeatrice.

Makurukota ataura neStudio7 anoti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakapa chiziviso chekushaya kwaVaMujuru mudare remakurukota, asi hapana kuzotaurwa nezvingaitwe nehurumende pamusoro pemafiro avo.

Vazhinji vanga vachitarisira kuti VaMujuru, semunhu mukuru akashandira hurumende, vaifanirwa kutaurwa nezvemafiro avo, dare remakurukota rotora danho panyaya iyi kana kutara nguva yekuti makurukota ezvemukati menyika, Amai Thresa Makone naVaKembo Mohadi, aone kuti mapurisa apedza kuferefeta mukati menguva inokodzera.

Mapurisa haasati aburitsa zvaaona muongororo yavo.

Asi vazhinji vari kuti havafungi kuti pachabuda chinhu paongororo yemapurisa nekuti vanhu vazhinji, kunyanya veZanu PF, vakatsika tsika nzvimbo iyi pasina kutevedzerwa zvinodiwa kuitira kuti huchapupu husatsokodzwe nevanhu vakasvika pamba paVaMujurukuferefeta kusati kwatanga.

Vamwewo vanoti zvinonetsa kuti patambirwe kuti munhu akafira mumoto uyu ndiVaMujuru zvechokwadi sezvo pasina ari kuziva zvakaitika.

Gurukota rinoona nezvebumbiro remitemo nemabasa eparamemende, VaEric Matinenga, vaudza Violet Gonda weStudio7 kuferefeta nyaya iyi kuchatora nguva yakati rebeyi nekuti humbo humwe hwakatovhiringidzwa kare.

Asi vamwe veruzhinji vari kuti dai hurumende yakatsvaga nyanzvi dzekunze kuti dziferefete rufu urwu.

Vamwe vanotiwo kushaya kwaVa Mujuru hakufanirwi kungotariswa neziso rezvematongerwo enyika chete, sezvo VaMujuru vaidyidzana nevanhu vakawanda munyaya dzezvematongerwo enyika kanawo dzezvemabhizimusi.

Nyanzvi mune zvemitemo uye vari mudzidzisi paUniversity of Zimbabwe, Professor Lovemore Madhuku, vanotiwo mutumbi waVaMujuru wakakasika kuvigwa pasati patorwa matanho akawanda eongororo.

Vaimbove muchiuto, VaSolomon “Sox” Chikowero, vanotiwo vachitarisa hunyanzvi hwaive naVaMujuru mukuzvidzivirira nyika, zvakaoma kuti vaizofa nenzira iyi.

XS
SM
MD
LG