Accessibility links

Breaking News

Dare reMakukota Rotadza Kufamba Zvakanaka neNyaya yeKusawirirana


Mudare remakurukota ehurumende munonzi ave mazvake mazvake mimba yebere nenyaya yekusawirirana kunonzi kwaramba kuchienderera mberi pakati peZanu-PF neMDC.

Makurukota akawanda zvikuru eZanu-PF anonzi ari kungoenda pazororo asina kusuma vatevedzeri wavo.

Mamwe makurukota mashoma asina kuenda kuzororo anonziwo ari kupedza nguva vachigadzirisa musangano weZanu-PF uye vamwe vachinzi vanenge vari kuminda yavo.

Makurukota akawanda ari kutora mukana uyu nekuti VaMugabe vari pazororo kusvika mwedzi wapera.

VaMugabe vanonzi vari kupedza nguva vari kwaZvimba uye vachadzoka mukupera kwemwedzi asi vachibva vangopfuurira kuenda kuEthopia kumusangano weAfrican Union.

Makururukota ataura neStudio7 anoti kana nyaya yekugadzirisa mihoro yevashandi vehurumende iri kunetsa nenyaya yekuti makurukota akawanda haapo.

Mutevedzeri wegurukota rezvemitemo, VaObert Gutu, veMDC-T vanoti vakatoudzwa neChitatu kuti gurukota rezvemitemo, VaPatrick Chinamasa, vari pazororo, ivo VaChinamasa vasina kumbovaudza.

Asi mutauriri weZanu-PF, VaRugare Gumbo, vanoti hachisi chokwadi chekuti makurukota ebato ravo haasi kuita basa nemazvo.

XS
SM
MD
LG