Accessibility links

Dare reMakukota Rosangana Kekutanga Paine Kunetsana

  • Blessing Zulu

Dare remakurukota ehurumende riri kutarisirwa kutanga kusangana neChitatu kekutanga gore rino paine kunetsana kwakanyanya panyaya yebumbiro idzva remitemo yenyika uye panyaya yekuti sarudzo dzoitwa riini.

NeMuvhuro pakaita musangano wekomiti inoona nemashandiro ari kuita COPAC wekuyedza kugadzirisa misariridzwa yechikamu chekupedzisira chebumbiro remitemo.

Asi nhengo yekomiti inomirira MDC-T, VaTendai Biti, vaudza Studio 7 kuti hapana chakabuda pamusangano uyu uye vave kutarisirwa kusangana svondo rinouya.

Nyaya dzonetsa dzinosanganisira yemasimba emuchuchusi mukuru wehurumende, nyaya yekuti vanhu votongerwa rufu here kana kuti kwete nedzimwe.

VeMDC vari kuti vave kuda kuti zvasaririra zvitauriranwe nemapato voita sungawirirano. Asi vakaoma musoro muZanu-PF vanoti uku kuda kusatevedza zvakabva muvanhu uye izvi zvikaitwa bato ravo rinofanira kubuda muhurongwa hweCOPAC roshandisa bumbiro riripo iye zvino pakuita sarudzo.

Vakaoma musoro ava vanoti SADC neAfrican Union vanofanira kutendera Zimbabwe kuita sarudzo, anenge akunda ozonyora bumbiro idzva remitemo yenyika.

Mutauriri weZanu-PF, VaRugare Gumbo, vanoti sarudzo dzinofanirwa kuitwa gore rinouya.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vari mukuru we Media Centre, VaEarnest Mudzengi, vanotiwo vezvematongerwo enyika havakwanise kutenderwa kunyora bumbiro remitemo.

XS
SM
MD
LG