Dare rinoona nezvevashandi muHarare, reLabour Court, neMuvhuro rakatara kuti vashandi vekambani yemagetsi yeZimbabwe Electricity Supply Authority Holdings, ZESA, varatidze zvikonzero zvinoita kuti dare risatore matanho pakuramwa mabasa pamwe nekuratidzira kuri kuitwa nevashandi, kana kuti Show Cause Order.
Vashandi ava vakatadza kupa zvikonzero zvavo panyaya iyi, zvinenge zvave kureva kuti dare rinenge rave kupa kambani yeZESA masimba ekudzinga vose vakambomiswa mabasa pari zvino.
Masvondo maviri adarika ZESA yakambomisa basa vashandi vayo vanosvika zana nemakumi matatu nevaviri, kusanganisirawo mutungamiri wesangano revashandi reZimbabwe energy Workers Union, ZEWU, Amai Angeline Chitambo nevamwe vatungamiri vaviri, ichi vapomera mhosva yekusashanda panguva dzavaitarisirwa kuti vange vari pamabasa.
Gurukota rezve vashandi nekugara zvakanaka kwevanhu, Amai Paurina Mpariwa Gwanyanya, vakakurudzirawo kutaurirana pakati pemapoka maviri aya.
Mutauriri weZESA, VaFullard Gwasira, vaudza Studio 7 kuti kambani yavo inotevedzera mitemo yezvemabasa nekudaro vashandi vakambomiswa basa vachamiswa pamberi pekomiti inoranga vanokanganisa pamabasa, kana kuti Disciplinary Committee.
Vashandi vari kuda kuti mushandi anotambira mari iri pasi pasi akwidzirwe mari yaanotambira kubva pamadhora zana nemakumi mapfumbamwe nematanhatu kuenda pamadhora mazana maviri nemakumi manomwe nemashanu pamwedzi.
Asi ZESA iri kuti haina mari iyi, kunyange hazvo mukutanga kwegore yakanga yambobvuma kuti ichawedzera vashandi vayo mari dzavanotambira.
Munyori anoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano revashandi veZESA, reZimbabwe Energy Workers Union, ZEWU, VaJoseph Charlie, vaudzawo Studio 7 kuti vakakurudzira ZESA kuti itange yadzosa pabasa vashandi vayakambomisa, vozoti votaurirana.
VaCharlie vatiwo pari zvino vashandi vacharamba vachi ratidzira nekurwisa kuti vapiwe mari dzavo dzavakavimbiswa nekambani yavo.