Accessibility links

Breaking News

Dare reHouse of Assembly Rinovandudza Zvimwe Zvikamu zveBhiri reMari


Dare reparamende reHouse of Assembly rawirirana neChipiri kuvandudza zvikamu zvishanu zvebhiri remari, reFinance Bill, zvichitevera kunyunyuta kwakaita nhengo dzeZanu PF mudare reseneti svondo rapera.

Nhengo dzeseneti muZanu PF dzainyunyuta dzichiti gurukota rezvemari, VaTendai Biti, vakanga vazvipa masimba akawanda, vachitora mamwe emutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pakuva nechekuita nemutemo weExchange Control Act.

Mutemo weExchange Control Act wakadzikwa mugore ra1965 nehurumende yaitungamirirwa nevaive mutungamiri wehurumende yeRhodesia, VaIan Douglas Smith, panguva yavakadzika hurumende yaive nerusarura asi ukavandudza kakati kuti kubva nyika yawana kuzvitonga.

Zvavandudzwa zvinonzi zvinosanganisira nyaya yekuti ndiyani anofanirwa kuve nemasimba ekuona nezvekufambiswa kwenyaya dzemari nezviwanikwa, uye kuti munhu anobvumidzwa kugara mumabhodhi mangani.

Bhiri iri rave kutarisirwa kudzoserwa zvakare kuseneti neChitatu kuti ripasiswe kuitira kuti rigozonosainwa nemutungamiri wenyika.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi remativi maviri eMDC mudare reHouse of Assembly, kanawo kugurukota rezvemari.

Asi mukokeri wenhengo dzeZanu PF muparamende yepasi, VaJoram Gumbo, vanoti havaoni paine dambudziko mudare repamusoro reseneti, sezvo vari ivo vakakomekedza kuti pashandurwe zvimwe zvaive mubhiri iri, izvo zviatwa neHouse of Assembly.

XS
SM
MD
LG