Accessibility links

Dare reDzimhosva Rinoburitsa VaMangoma Mujeri

  • Jonga Kandemiiri
  • Thomas Chiripasi

Mutori wedu wenhau Thomas Chiripasi ati gurukota rezvemhando dzemoto, VaElton Mangoma, vaburitswa mujere mushure mekunge dare repamusoro rarasa zvichemo zvakasvitswa nehurumende zvichitevera mutongo wakapihwa naJustice Yunus Omerjee wekuti VaMangoma vatongwe vachibva kumba.

Hurumende yakashandisa chikamu 121 chemutemo we Criminal Procedures and Evidence Act ichiti yaisafara nekubvumidzwa kwakaitwa VaMangoma kuti vaende kuhofisi kwavo kana vachinge vabvumidzwa kutongwa vachibva kumba.

Asi mutongi wedare repamusoro, VaJoseph Musakwa, varamba zvichemo zvehurumende vachiti hapana humbowo hwakasvitswa kudare nehurumende hunoratidza kuti VaMangoma vaizovhiringidzana nemufakazi wehurumende, Va Justin Mupamhanga, vanove munyori mubazi rezvemhando dzemoto kana vakabvumidzwa kuenda kuhofisi kwavo.

VaMusakwa vatiwo hurumende yaifanirwa kuendesa nhuna dzayo kudare repamusoro-soro re Supreme Court, asi yakasarudza kuwunza nyaya iyi kudare rimwe chetero rakanga ratura mutongo uyu.

Zvichitevera mutongo waVaMusakwa uyu , magweta aVa Mangoma asiya magwaro emba yaVaMangoma yekuMabelreign kudare sechibatiso maererano nemutongo wakaturwa naVa Omerjee svondo rapera.

Rimwe remagweta aVaMangoma, VaSelby Hwacha, vati vafara nemutongo waturwa nedare.

Hurumende iri kupomera VaMangoma mhosva yokushandisa chinzvimbo chavo zvisirizvo pakutengwa kwakaitwa mamita emagetsi. Asi VaMangoma vari kuramba mhosva yavari kupomerwa vachiti zvose zvakaitwa nebazi ravo zvaiva zviri pachena

Zvichakadaro, vatongi vematare emejesitiriti munyika yose vatanga nhasi kuramwa mabasa vachida kuti mari dzavanotambira dziwedzerwe.

Sangano rinomiririra vashandi ava, reMagistrates Association of Zimbabwe, ratenda kuti nhengo dzaro dzapinda mukuramwa mabasa.

Vatongi ava vari kuda kuti mutongi wepasi pasi atambire mari inoita mazana matanhatu emadhora, kwotiwo mushandi wepamusoro soro achipiwa zviuru zvitatu nemazana matatu pamwedzi. Vashandi ava vanonzi vari kutambira mari dziri pakati pemazana maviri emadhora nemazana matatu emadhora pamwedzi.

Mutungamiri wesangano revatongi vematare amejasitireti, VaDouglas Chikwekwe, vaudza Studio7 kuti vamwewo vashandi vemumatare vapindawo mukuramwa mabasa uku.

Hutungamiri hwesangano iri huri kutarisirwa kuita musangano neJudiciary Services Commission neChipiri kuti vazeye nyaya iyi.

XS
SM
MD
LG