Accessibility links

Breaking News

Kunetsana muAnglican Church Koramba Kupera


Dare re Supreme Court nezuro rakarasa nyaya yainga yaiswa mudare ne Anglican Church iri pasi pa Bishop Chad Gandiya, iyo yairamba kuti Bishop Nolbert Kunonga nebhodhi ravo, ndivo chaivo vanofanira kutungamira Anglican Church mu Harare.

Vachipa mutongo wavo, Justice Luke Malaba vakati mutongo wakaitwa nemutongi wedare repamusoro, Va Ben Hlatshwayo, gore rapera wekuti Va Kunonga ne bhodhi ravo vari pamutemo, wakaitwa nenzira kwayo.

Mutauriri waVaKunonga, Bishop Alfred Munyanyi, vanoti vatenderi vese vari kunze kwechechi ngavachidzoka nekuti Va Kunonga ndivo vacharamba vachitonga musvondo iyi.

Gweta rechikwata chinopikisa VaKunonga, che Church of the Province of Centra Africa, Va Mike Chingore, vati mutongo uyu haurevi kuti zvivakwa zvechechi nemidziyo zvava pasi pava Kunonga sezviri kutaurwa nepepanhau re Herald.

XS
SM
MD
LG