Accessibility links

Breaking News

Musangano we ZCTU Unoenderera Mberi Apo Dare Rinoti Nyaya yePTUZ Haisi yeChimbi Chimbi


Vane ruzivo nezviri kuitika muZCTU vanoti chikwata chakakwira dare ichi chiri kutsigira mutungamiri weZCTU, VaLovemore Matombo, avo vatadza nhasi kuti musangano uyu usaenderere mberi, kwotiwo chimwe chikwata chaVa Chibebe chichinzi chiri kutsigira Amai Matibenga, vanowe mumwe wevatevedzeri vemutungamiri vesangano revashandi iri

Mutongi wedare repamusoro, Justice Susan Mavhangira, nhasi varasa nyaya yakakwidzwa kudare nesangano re PTUZ pamwe nemamwe masangano manomwe, avo vanga vachida kuti musangano mukuru wekongiresi yeZCTU watanga nhasi ku Bulawayo umiswe.

Masangano aya akakwira dare neMuvhuro achida kuti rimise musangano uyu sezvo asiri kufara nemafambisirwo aanoti ari kuitwa hurongwa hwemusangano uyu nemunyori mukuru we ZCTU, VaWellington Chibebe.

Asi nyaya hombe inonzi iri kunetsa musangano iri ndeyekuti ndiyani anofanirwa kutungamira sangano iri, izvo zvinonzi zvingangotsemura sangano iri nepakati.

Vane ruzivo nezviri kuitika muZCTU vanoti chikwata chakakwira dare ichi chiri kutsigira mutungamiri weZCTU, VaLovemore Matombo, avo vatadza nhasi kuti musangano uyu usaenderere mberi, kwotiwo chimwe chikwata chaVa Chibebe chichinzi chiri kutsigira Amai Matibenga, vanowe mumwe wevatevedzeri vemutungamiri vesangano revashandi iri.

Va Raymond Majongwe mumwe weavo vakaenda kudare. Vati kusanzwikwa kwaitwa nyaya yavo nedare, hakurevi kuti nyaya yapera.

Tabatawo nemunyori mukuru weZCTU, VaWellington Chibebe, avo vati vari kufara nemutongo we dare.

XS
SM
MD
LG