Accessibility links

Breaking News

Dambudziko reMvura Yakachena Rorwadza Vagari muHarare


A representative of the commuter omnibus operators, Shem Mberi, said they would co-operate with council in its endeavors to decongest the city. (Photo: Harare Residents Trust)
A representative of the commuter omnibus operators, Shem Mberi, said they would co-operate with council in its endeavors to decongest the city. (Photo: Harare Residents Trust)

Vagari vemuguta reHarare vanoti vari kushushikana zvikuru nedambudziko rekushaikwa kwemari yekuchenesa mvura kunyange hazvo bhanga guru rakavimbisa mwedzi uno kupa guta iri mari yekuchenesa mvura.

Mutauriri wekanzuru yeguta reHarare, VaMichael Chideme, vanoti vakapihwa mari yekunze kwenyika nebhanga guru renyika kuitira kuti vatenge mishonga inoshandiswa mukuchenesa mvura.

Kunyange hazvo bhanga guru renyika rakakwanisa kuwanira kanzuru mari, hapana kujeka kuti bhanga iri richange richipa kanzuru mari iyi mwedzi wega wega here, kana kuti kwete.

VaChideme vati idambudziko guru kwavari kuti mishonga inodiwa pamwedzi wega wega nemari yazvinoda hazvienderani nekuti kune zvimwewo zvavanofanira kutarisa zvinoda mari kuti basa rese remvura rifambe zvakanaka.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG