Accessibility links

Breaking News

Chirwere cheGwirikwiti Chonetsa Munyika


Dambudziko iri rinonzi riri kuwedzerwa nevatenderi vechipositori, avo vasiri kubayisa vana vavo. Muzvare Tsitsi Singizi ndivo mutauriri we UNICEF mu Zimbabwe

Dambudziko rechirwere chegwirikwiti rinonzi riri kuramba richitekeshera nenyika, vana vakawanda vachifa.

Masangano akazvimirira ega, UNICEF pamwe nebazi rehutano, vari kuita chirongwa chekupinda muvanhu munyika yose mwedzi unouya vachibaisa vana vese munyika nhomba, kuitira kuti vana ava vasarambe vachifa kana kubatwa nechirwere ichi.

Vana vanosvika vapfumbamwe vanonzi vakafa muraini rekwaKatiyo kuUzumba, mazuva mashoma apfuura mushure mekubatwa negwirikwiti.

Dambudziko iri rinonzi riri kuwedzerwa nevatenderi vechipositori, avo vasiri kubayisa vana vavo.Hurumende inoti iri kuedza nepainogona napo kurwisa chirwere ichi. Gurukota rezvehutano, VaHenry Madzorera, vanoti vanhu vose vanofanirwa kubayisa vana vavo nhomba kuitira kuti vasabatwe nechirwere ichi.

Mutauriri weUNICEF muZimbabwe, Muzvare Tsitsi Singizi, vanoti kukura kwaita dambudziko regwirikwiti kwava kunetsa sangano ravo zvikuru.

XS
SM
MD
LG