Dambudziko remu Anglican Church muHarare richiri kuenderera mberi zvekuti makurukota matatu anowona nezvekuregererana munyika akaita musangano nevaimbova Bhishopu ve Harare, Va Nolbert Kunonga, vachiedza kuvaudza kuti varegedze vatenderi ve CPCA vachipinda svondo murunyararo.
Vakasangana naVaKunonga ndiAmai Sekai Holland, Va John Nkomo, pamwe naVa Gibson Sibanda.
VaKunonga vanonzi vakati ivo ndivo vane mvumo yekutungamirira vanhu ve Anglican Church mu Harare zvekuti vasingadi kupinda pasi pavo, havazowani mukana wekushandisa zvivakwa zvechechi iyi. Makurukota aya anonzi achasangana zvakare naVa Kunonga kuti vakurukure nyaya iyi kusvika pava nekugarisana pakati pezvikwata zviviri zviri kunetsana.
Mutauriri waVaKunonga, Bishop Alfred Munyanyi, vanoti Va Kunonga havasi kuzoteerera zvinotaurwa nemakurukota aya.
Ukuwo vanotaura vakamirira Anglican Church inotungamirwa na Bishop Paul Gandiya, Baba Paul Gwese, vanoti pane kumbunyikidzwa kutsva kuri kuitika muvatenderi vavo.