Accessibility links

Breaking News

CZI Inoti Sarudzo Ngadzimbomira Kuitwa muZimbabwe


Rimwe sangano rinomiririra vemabhizmusi munyika reConfederation of Zimbabwe Industries, (CZI) rinoti harioni zvakakodzera kuti sarudzo dziitwe gore rino, sezvo nyika isati yamuka munyaya dzeupfumi.

Mutungamiri wesangano iri, VaJoseph Kanyekanye, neMuvhuro vakaburitsa gwaro rinotiwo zvirango zvinonzi zvakatemerwa nyika zvinofanirwa kubviswa sezvo zviri kurwadzisa vana veZimbabwe uye zviri kukonzeresa kusawirirana munyika munyaya dzezvematongerwo enyika.

Sangano reEuropean Union rakawedzera zvirango zvakatemerwa mutungamiri weZanu PF, VaRobert Mugabe, nevamwe vavo muZanu PF, asi rakabvisawo pazvirango madzimai evamwe vakuru muchiuto nemuZanuPF pamwe nedzimwe nhengo dzebato iri, kusanganisirawo dzakafa.

CZI inotiwo neimwe nzira hurumende yemubatanidzwa yaunza kugadzikana munyika munyaya dzeupfumi.

Nyanzvi mune zveupfumi uye vachishanda neLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, VaProsper Chitambara, vaudza Studio 7 kuti kana pakadaidzirwa sarudzo nyika inogona kudzokera mudambudziko rakaonekwa muna 2008.

XS
SM
MD
LG