Accessibility links

Breaking News

Dutumupengo Cyclone Idai Rotarisirwa Kurova Matunhu Akawanda Munyika


Map Zimbabwe
Map Zimbabwe

Mapisiro ekunze anonzi nenyanzvi mune zvekurima atokanganisa tarisiro yevarimi vakawanda munyika, sezvo zvirimwa zvizhinji zvakabatwa zvasvika panguva yekutumbuka.

Mumwe murimi ari kuchema nedukusira riri munyika, Va Valentine Ziswa, avo vanorima vari kuMacheke. vanoti varimi vakawanda, kusanganisira ivo, vabatwa nekupisa kwekunze uku, uye vacharasikirwa nemari dzavakashandisa kutenga mbeu nefotereza.

Bazi rinoona nezvemamiriro ekunze, reZimbabwe Meteorological Services Department, rinoti matunhu akanyanya kukanganiswa nekupisa kwekunze uku anosanganisira Matabeleland South, Matabeleland North, Midlands, neMasvingo, kuchitiwo dzimwe nzvimbo muManicaland neMashonaland East neMashonaland Central.

VaZiswa vanotiwo kupisa uku kwave kukanganisawo rufuro rwezvipfuwo.

Vemamiriro ekunze vakazivisa kuti mvura yakasimba ichanaya kutanga neChishanu kusvika mukupera kwesvondo rino.

Mvura iyi ichange iine dutumupengo Cyclone Idai, iro riri kubva nekuMozambique.

Bazi re Meteorological Services Department rinoti dutumupengo iri richange rakanyanya kumatunhu ari kumabvazuva kwenyika, zvikuru Manicaland, uko kuchange kuine makore akanyanyisa, pamwe nekunaya kwemvura yakawandisa.

Bazi iri rinotiwo mamwe matunhu achabatwa neCyclone Idai anosanganisira Masvingo, Mashonaland East neMashonaland Central.

Bazi reCivil Protection Unit riri kuyambirawo veruzhinji kuti vangwarire mafashamu emvura munzvimbo dzavanogara.

Asi VaZiswa vanoti kunyange hazvo mvura ikanaya, hapana zvaichaita pazvirimwa zvaparadzwa nekupisa, asi vanoti zvinonakirawo zvipfuwo sezvo zvinenge zvowana mvura yekunwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG