Accessibility links

Breaking News

Croatia Yotamba neFrance Kurwira Mukombe weWorld Cup


Mario Mandzukic achinwisa chibodzwa chechipiri pamutambo neEngland

Croatia yapinda mufainari yayo yekutanga yeWorld Cup kubvira makundano epasi rese aya avambwa muna 1930.

Vateveri vechikwata cheCroatia vari mumafaro mushure mekunge chikwata chavo chakapinda mufainari ye 2018 World Cup nezuro manheru mushure mekurova England 2-1 nechibodzwa chakakandwa na Mario Mandzukic munguva yemuwedzerwa.

Croatia yakatanga yakatungamirwa ndokudzora kuita mangange 1-1 ndokuzopedzisa England apo varuzhinhi vanga vave kufunga kuti mutambo uyu uchaenda kumapenereti.

Aka ndiko kekutanga Croatia ichipinda mufainari yemakundano eWorld Cup mushure mekusvika muma semi fainari muna 1998 apo yakarohwa 2-1 neFrance.

VaTapiwa Mahwengwa avo vanotevera chikwata cheBarcelona vanoti zvinodakadza kuti zvikwata zvisina mukurumbira wakanyanya seCroatia zviitewo mukurumbira.

Mumwe muteveri wemutambo wenhabvu, VaWalter Mombo, vanoti veruzhinji vanga vachidherera Croatia asi vasina kutarisa nhoroondo yayo mumakwikwi aya.

Croatia yave kusangana mufainari ichaitirwa muLuzhiniki Stadium neSvondo neFrance, iyo yakarova Belgium mu semi final.

Belgium iri kusangana neEngland neMugovera dzichirwira chinzvimbo chechitatu mumakwikwi e2018 World Cup ari kutarisirwa kupera zvine mutsindo pamutambo we Croatia neFrance neSvondo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG