Accessibility links

Breaking News

Covid-19 Yopa Kuti Madzimai Kunyanya Anonge Svosve neMuromo


Rimwe sangano rinoshanda nevanotengesa zvakasiyana siyana muBulawayo rinoti raramo yevanhukadzi vanozvishandira vega ndiyo yakanyanyovhiringidzwa nekuveko kwechirwere cheCovid-19.

Izvi zvabuda apo Zimbabwe iri kubatana nedzimwe nyika kucherechedza zuva remadzimai kana kuti International Women's Day.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano reBulawayo Vendors and Traders Association Amai Debra Mukasa vaudza Studio 7 kuti sangano ravo riri kucherechedza zuva reInternational Women’s Day riine kusuwa nekuti madzimai akawanda munyika, kunyanya mumadhorobha anorarama nekuzvishandira ari kunonga svosve nemuromo.

Izvi zviri kukonzerwa nekuti raramo yavo yakavhiringidzwa zvikuru nekunzi vanhu vambogare mudzimba kana kuti lockdown, nekuda kwechirwere che-Covid-19.

Vati shuviro yavo ndeyekuti hurumende ichishanda nemamwe mapoka akasiyan-siyana ibatsire madzimai kunyanya vanorarama nekutenge nekutengesa.

Amai Mukasa vati mibatanidzwa yemasangano akasiyana-siyana anomirira kodzero dzevanhu vanozvishandira vega iri mushishi kuedza kuita nhaurirano nehurumende kuti vaone kuti vobatsirwa sei.

Sachigaro wesangano reWomen’s Coalition of Zimbabwe kana kuti WCoZ, rinove rimwe remsangano anorwira kusumukira kwemadzimai vanotsinhirawo kuti vanhukadzi ndivo vakanyanyanya kuvhiringwa mararamiro avo nekuveko kwechirwere checovid-19 uye vanokurudzirawo hurumende kuti ibastire madzimai anorarama nekuzvishandira pachavo vega.

Mumwe mugari wemuBulawayo ariwo mudzidzisi, uyo angoda kuzvidoma nezita rekuti Muzvare Mkwananzi ati haana chaanoona chekufarira pazuva reInternational Women’s Day.
Muzvare Mkwananzi vati vanobvumirana nemaonero ekuti vanhukadzi ndivo vari kunyanya kuomerwa nehupenyu nekuda kwekusamira zvakanaka kwezvinhu munyika vachitiwo kunyange vari pamabasa saivo vari kuomerwa nehupenyu.

Bulawayo sedzimwe nzvimbo nyika yose haina kuita gungano rekucherechedza zuva iri pachityirwa kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Nyaya Ina Kudzanai Musengi
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG