Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inoudzwa neDare Kuti Ipe Vashandi veHutano Zvinhu zveKuzvidzivirira Vachiita Basa Ravo


Munyori weZimbabwe Association of Doctors for Human Rights, VaNorman Matara
Munyori weZimbabwe Association of Doctors for Human Rights, VaNorman Matara

Dare repamusoro ratura mutongo wekuti vashandi vemuzvipatara vapihwe mbatya dzekuzvidzivirira pavanenge vari pabasa vachirwisa chirwere cheCoronavirus, icho chabata vanhu gumi nevanomwe muZimbabwe, uye vanhu vanosvika mamiriyoni maviri pasi rose.

Chirwere ichi chauraya vanhu vatatu muZimbabwe, uye vanhu vanosvika zana nemakumi maviri ezviuru pasi rose.

Dare iri raturawo zvakare mutongo wekuti mapurisa asashungurudze vanhu panguva iyo nyika yakavharwa.

Vatongi vedare repamusoro vaviri vanoti VaJoseph Musakwa naVaOwen Tagu nhasi vatura mutongo wekuti anachiremba vapihwe mbatya dzekuzvidzivirira kuchirwere cheCovid-19 pavanenge vari pabasa.

Izvi zvinotevera chikumbiro chakasvitswa kudare iri nesangano ravanachiremba vanorwira kodzero dzevanhu reZimbabwe Association of Doctors for Human Rights iro ranga richichema chema kuti kuti anachiremba nevakoti vazhinji havana mbatya dzekuzvidzirira dzakakwana pavanenge vachiita basa ravo zvavanoti zvinovaisa panjodzi yekubatira chirwere cheCovid-19.

Mutongo waturwa nedare uyu watambirwa nemufaro nemunyori musangano iri, Doctor Norman Matara.

Vatongi ava vaturawo mutongo wekuti mapurisa asashungurudze vanhu vachange vachifamba panguva iyo nyika yakavharwa.

Izvi zvinoteverawo chikumbiro chakasvitswa kudare iri naAmai Lucia Masvondo vekuKaroi avo vanoti vakarumiswa nembwa nemapurisa ayo airambidza vanhu kufamba panguva ino nyika yekavharwa kwemazuva makumi maviri nerimwe nekuda kwechirwere cheCovid-19.

Rimwe remagweta aAmai Masvondo, VaJeremiah Bamu, avo vanoshanda nesangano remagweta anorwira kodzero dzevanhu reZimbabwe Lawyers for Human Rights, vati vafarawo nemutongo uyu.

Pane imwewo nyaya yanga iri mudare yakanangana nechirwere cheCovid-19, mumwe mugari wemuHarare, VaMfundo Mlilo, pamwe nenhengo inomirira Harare North muparamende, VaRusty Markham, vasvitsa chikumbiro chekuti veruzhinji vapihwe chikafu, mvura pamwe nemari kubva kuhurumende zvekuti vabatsirikane panguva iyo veruzhinji vasiri kubvumirwa kubuda mudzimba.

Vachisvitsa chikumbiro ichi kudare, gweta revaviri ava, VaTendai Biti, vati kuwana chikafu nemvura ikodzero dzinosungirwa kuti hurumende izadzise.

Asi magweta anga achimirira hurumende, ayo anga achitungamirwa naVaPeter Garwe, anga achipikisa chikumbiro ichi achiti hurumende yakatotora matanho ekuwanisa veruzhinji chikafu nemvura kubudikidza nebazi rezvemagariro everuzhinji pamwe nerekutongwa kwematunhu.

VaGarwe vati bazi rezvematunhu rakatoudza makanzuru ose munyika kuti awanise veruzhinji mvura yakachena uye vatiwo bazi rinoona nezvemagariro evanhu ritori mubishi kupa chikafu kuvanhu.

Asi VaBiti varamba vakatsika madziro vachiti zviri kuitwa zvese izvi zvinofanira kuitwa paine mutemo unopa bazi rezvemari simba yekuburitsa mari yakanangana nechrwere cheCovid-19.

Zvichakadai, vatongi vedare vati vanoda nguva yekumboongorora zvazvitswa kudare vasati vatura mutongo wavo muzuva ravasina kutara.

Chirwere che Coronavirus chauraya vanhu vatatu muZimbabwe pari zvino uye vanhu vanosvika zana nemakumi maviri pasi rose, vafa nechirwere ichi, icho chakatangira kuChina gore rapera.

Sezvo pasati pava nemushonga unokwanisa kurapa chirwere ichi, vanhu vari kukurudzirwa kugara mudzimba dzavo vasingaendi kumabasa, kugara vakageza maoko avo, uye kuti munhu ange ari pake ega pasina kumanikidzana nevamwe, kana kuti physical distance.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG