Accessibility links

Breaking News

Dare Rinoudza Mapurisa Kuti Asavhiringe Kuratidzira kwaVanachiremba muHarare


Riot Police At Doctor Peter Magombeyi Protest
Riot Police At Doctor Peter Magombeyi Protest

Dare redzimhosva raudza mapurisa kuti haabvumidzwe nemitemo yenyika kurambidza vana chiremba navana mukoti kuti vasvitse nyunyuto dzavo kudare reparamende.

Mutongo uyu waita kuti vashandi vemuzvipatara vakwanise kusvitsa zvinyunyuto zvavo kuparamende.

Vanachiremba, vakoti nevamwe vashandi vezveutano nhasi vakwanisa kunoisa tsamba yavo yenyunyuto kudare reparamende pamusoro pekushaikwa kwevakafanobata chigaro chemutungamiri weZimbabwe Hospital Doctors Association, Dr. Peter Magombeyi.

Asi mapurisa akambenge arambidza vanhu ava kuendesa tsamba yenyunyuto nezuro, asi dare reHigh Court nhasi rati zvakaitwa nemapurisa hazvisi pamutemo.

Vanachiremba vafamba kubva kuchipatara cheParirenyatwa kusvika muAfrica Unity Square.

Vachitaura neStudio 7, mutevedzeri wemutungamiri weZimbabwe Hospital Doctor’s Association, Doctor Masimba Ndoro, vati dare rarambidza mapurisa kuvavhiringidza huye pakuratidzira kwanhasi mapurisa anga akatovachengetedza.

Vamwe vana chiremba vanga vachiratidzira nhasi vati Dr. Magombeyi ihama yavo izvo zvinoita kuti zuva nezuva vabatane kutsvaka kuti mumwe wavo ari kupi.

Mumwe chiremba uyo atiwo anoda kuzivikanwa nezita rekuti Peter ati Dr. Magombeyi hapana chavakatadza asi kuti vaingodawo kuti vana chiremba vakwanise kuwana mihoro inovararamisa zvakanaka.

Mumwe chiremba anga ari pakuratidzira apa asina kuda kudomwa nezita, atiwo kushaikwa kwaVaMagombeyi kunonyadzisa nyika.

Vakafanobata chigaro chemunyori muZimbabwe Hospital Doctors Association, DrTawanda Zvakada, vati vari kushushukana zvikuru nekuwanda kwemazuva chiremba Magombeyi vasiri kuzivikanwa kuti varipi, vakati izvi ndozvavaisa mutsamba yenyunyuto.

Kupambwa kwa Dr. Magombeyi nemusi weMugovera kwasiya zvipatara zvisina vana chiremba vari kushanda.

Vana chiremba vari kuramwa mabasa vanoti kunyange hazvo vari kushushikana nekutambura kuri kuita varwere muzvipatara, havasi kuzodzokera kubasa kana Dr. Magombeyi vasina kuwanikwa.

Hurumende inoti iri kuita zvese zvainogona kutsvaka kuna Dr. Magombeyi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG